Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Mukaka Unobva kuGushungo Estates Ngautengeswe


Gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, vanoti mukaka unobva ku Gushungo Dairy Estates uchatengeswa kune vanenge vachida kuutenga.

Vanenge vatenga mukaka uyu vanonzi vanokwanisawo kuutengesa kungave ku Nestle Zimbabwe, kana kumwe. VaNcube vashorpodza vanhu vekunze kwenyika vachiti ndivo vari kupesvedzera kuti pave nekupesana munyika pamusoro pekambani ye Nestle Zimbabwe ne Gushungo Dairy Estates.

Kambani yeNestle Zimbabwe inoti yakatangisa zvakare basa rayo kutanga musi wa 31 Zvita, mushure mekunge yambomira kuita basa kwemazuva gumi nemaviri. Izvi zvakaitika mushure mekunge veruzhinji varatidzira vachiti kambani iyi haifanirwe kutenga mukaka unobva kuGushungo Dairy Estates, iyo inova yemudzimai wemutungamiri venyika, Amai Grace Mugabe. Purazi iri rakatorwa zvechisimba kubva kumuridza waro naAmai Grace Mugabe.

Izvi zvakapa kuti hurumende ityisidzire vashandi vekambani iyi, ichivamanikidza kutenga mukaka uyu.

Advocacy officer veCrisis in Zimbabwe Coalition, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti veruzhinji havana kufara nematorerwo akaitwa Gushungo Diary Estates nemudzimai wemutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG