Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Voita Misangano neMabhanga eKunze Ari Munyika


Gurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vasangana nehutungamiri hwemabhanga ekunze kwenyika ari kushandira munyika vachida kuziva mamiriro akaita zvinhu mumabhanga aya.

VaKasukuwere vanoti vari kuda kutanga vaziva mamiririro akaita zvinhu mumabhanga aya vasati vatanga chirongwa chavo chekuendeswa kweupfumi kuvatema.

VaKasukuwere vanonzi vasangana nevemabhanga ekunze mana ari munyika anoti reBarclays, Stanbic, Standard Chartered neMBCA Bank, muhurukuro dzinonzi dzafamba zvakanaka, kunyange hazvo tisina kukwanisa kunzwa divi revemabhanga, avo vati titange taita zvekuvanyorera tichikumbira mvumo yekutaura navo.

Bhanga reStanbic rinonzi rakatoisa parutivi mari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora, iyo inonzi ichashandiswa mukubatsira vatema kuti vatange zvirongwa zvekuti vazviriritire.

Bhanga reBarclays rinonziwo rakaisawo masheya pamisika yemari yekuti vemunyika vanokwanisa kutenga masheya aya, vatenge hupfumi uhu.

Asi VaKasukuwere vanoti zviri kuitwa nebhanga iri zviduku chaizvo muhurongwa hwavo hwekupa upfumi kuvatema.

Chipangamazano mune zvematongerwo enyika nemitemo mubazi rezvevechidiki nekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaPsychology Maziwisa, vanoti hurumende yave kupinda nechirongwa chekuendesa upfumi kuvatema mumabhanga, vasati vapinda mumakambani anogadzira zvinhu.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti nyaya yemabhanga inoti netsei nekuti mabhanga ndiwo anochengeta hupfumi hwenyika. VaBiti vanoti vatema vanenge vaine mari yekutanga mabhanga, vanokwanisa kuita izvi kwete kunovhiringa mafambiro emabhanga sezvakaitika muhurongwa hwekuendesa ivhu kuvatema.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dzinotsigirana nemashoko aVaBiti, sezvo paine humbowo hunoratidza kuti hupfumi hwenyika hunogona kugwadama kana paine zvirongwa zvinoitwa munyika pasina kufunga zvakadzama

XS
SM
MD
LG