Accessibility links

Breaking News

Biti: Kuratidzira kweVashandi veHurumende Kwapindirwa neVasori


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti kuratidzira kuri kuda kuitwa nevashandi vehurumende nechipiri, semaonero avo, kwapindirwa nevasori pamwe nemamwe mapoka akanangana navo semunhuwo zvake, pamwe nebato ravo reMDC-T, kwete sehurumende.

VaBiti vanoti kukasika kupiwa mvumo yekuratidzira kwakaitwa vashandi ava nemapurisa chimwe chiratidzo chekuti vari kuronga kuratidzira uku havaneyi nezviri kuitika muhurumende, asi kuti vari kuda kushandisa mukana wekusafara kwevashandi vehurumende mukuendesa mberi zvido zvavo.

Vatiwo kunyange hazvo vamwe vashandi vaine zvinyunyuto zvechokwadi zvekuti vanoda kuwedzerwa mari dzavo dzemihoro, vasori ndivo vave kutungamira mberi.

VaBiti vati vashandi vane zvichemo chaizvo vanofanirwa kunge vachiratidzira kumakambani ari kuchera mangoda kwaMarange, ayo vati haasi kuendesa mari kuhomwe yehurumende.

Vashandi vehurumende vakawirirana nemusi weChina svondo rapera kuti varatidzire kweawa imwe chete nemusi weChipiri chesvondo rino vachienda kumahofisi egurukota rezvemari pamwe nekuparamende, senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo nekutadza kwaitwa nehurumende kuvawedzera mari.

Vachisvitsa ongororo yavo yemashandisirwa emari yehurumende yepakati pegore, VaBiti vakati havaoni hurumende ichikwanisa kuwedzera vashandi vayo mari, sezvo homwe dzayo dzakabooka.

Vashandi vari kuda kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi, atangire pamari inodarika mazana mashanu nemakumi mana emadhora pamwedzi.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, Amai Tendai Chikowore, vati kuratidzira kwavo hakuna kunangana naVaBiti, asi kuti nehurumende yemubatanidzwa, iyo VaBiti vari gurukota rezvemari.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG