Accessibility links

Breaking News

Gurokota Rezvedzidzo VaDavid Coltart Royambira Zvikoro Zvinokwidza Mari Zvisiri Pamutemo


Gurokota rezvedzidzo, va David Coltart, vanoti vabereki vasiri kufara nekukwidzwa kwemari dzinobhadharwa muzvikoro zvisiri pamutemo, vanofanirwa kuzivisa bazi ravo.

Mashoko ava Coltart anouya apo zvikoro zviri kuvhurwa mangwana. Zvimwe zvikoro zvinonzi zviri kukwidza mari zvisiri pamutemo sezvo zvikoro izvi zvichifanirwa kutanga zvawirirana nevabereki. Muna ndira, zvikoro zvehurumende zvakakwidza mari dzedzidzo izvo zvisina kufadza vabereki vakawanda. Pachavhurwa zvikoro mangwana, mari dzezvimwe zvikoro iri kutarisirwa kunge yakwidzwa ne mari dzinoita $50 kuma day schools ne $100 kuma boarding.

Kune rimwe divi vabereki vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwemari dzechikoro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika zviri kuita kuti vabereki vakawanda vashaye mari yekubhadhara mari idzi.

Sachigaro we School Development Association ye Montrose High School muBulawayo, va Zvavamwe Shambare, vanoti dai hurumende yatsigira bazi redzidzo kuitira kuti vabereki vasawomerwa nemari dzinobhadharwa muzvikoro.

XS
SM
MD
LG