Kune dzimwe nyika mudzimai wemutungamiri wenyika, mudzimai ane hunhu nechimiro chinoremekedzwa.
Asi vanhu vakawanda kuMasvingo vanoti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, munhu asina chiremera kana zvichienzaniswa nemudzimai wekutanga wemutungamiri wenyika, Amai Sally Mugabe, avo vakashaya muna 1992.
Muzvare Grace Marufu vakatanga kushanda kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiita basa rekudaira foni, vachidziendesa kumahofisi evanhu vanoshanda mumahofisi emutungamiri wenyika.
Pavakapinda basa kuhofisi iyi, Muzvare Marufu vaive nemurume, VaStanley Goreraza, avo vavakaita naye mwanakomana, Russell Goreraza.
Nekupindana kwemazuva, VaGoreraza naMuzvare Marufu vanonzi vakatanga kunetsana, izvo zvakasiya muchato wavo uri parumana nzombe.
VaGoreraza, avo vaive Wing Commander mu Air Force of Zimbabwe, vakaendeswa kunoshanda vari kumuzinda weZimbabwe muChina.
Nekupindana kwemazuva, runyerekupe rwakatanga kubuda kuti Muzvare Marufu vakanga vodanana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Vanoziva zvaiitika vanoti Muzvare Marufu vakanga votodaidzwa nerekuti Mainini, vachireva kuti vaive mukadzi mudiki wemutungamiri wenyika, sezvo Amai Sally Mugabe, vakange vachiri vapenyu.
Mumakore akatevera, Muzvare Marufu vakaita mwana naVaMugabe, Bona. Izvi zvakachengetedzwa muchivande, nyika isingazvizive. Nekupindana kwenguva, mwana wechipiri akaberekwa, Robert Junior, uye nyika haina kuziviswa.
Nyika yakazoziviswa nezvevana ava, kwete naVaMugabe kana Muzvare Marufu, asi kuti nebepanhau reHorizon muna Kurume 1995. Bepanhau iri rakaburitsa mufananidzo waBona achibva pachikoro chiri muHarare, aine muchengetedzi, VaOnismo Zindoga.
Mushure mekuburitswa kwenyaya iyi, VaMugabe naMuzvare Marufu vakazochata muna 1996, makore mana Amai Sally Mugabe vashaya.
Hazvina kujeka kuti muchato wavo naVaGoreraza wakazopera seyi, kunyange hazvo paine nyaya dzakabuda dzekuti muchato uyu wainge wagurwa kare.
Izvi zvakarwadza vanhu vakawanda, asi vamwe vakatiwo Muzvare Marufu vainge vazvibatira goridhe.
Vanhu vakasiyana siyana kuMasvingo vanoti hunhu hwa Amai Mugabe hunoshoreka zvikuru pane kuti huyemurike semudzimai wemutungamiri wenyika.
Vanoti izvi zvakawedzerwa pavakapinda mune zvematongerwe enyika izvo zvakakaita kuti vazhinji vaone zvavari chaizvo.
Vanoti Amai Mugabe pose pavanoita misangano yebato ravo, iyo iri kukosheswa zvikuru kupfuura misangano yevatevedzeri vaviri vemutungamiri wenyika, vanotanga kupopota nekutuka vamwe vatungamiri vemasangano vakasiyanan-siyana, kusanganisirawo vebato Zanu PF, pane kuti vawanikwe vachitaura mashoko ekuvaka nekukurudzira kubatana kwevanhu munyika.
Va Prosper Tiringindi mugari wekuRujeko. VaTiringidi vanoti zvinoitwa nemukadzi wemutungamiriri wenyika zvinonyadzisa pane kuti zviyemurike.
Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Va Takavafira Zhou, vanoti Amai Grace Mugabe vakasiyna namuchakabvu Sally Mugabe.
Vanoti Amai Grace Mugabe havana pfungwa dzemunhu mukuru dzakadzama saka vanoda kutobetserwa kuti vave nechimiro chakanaka sezvo vari munhu anogara akarasika.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Grace Mugabe kuti tinzwe divi ravo.
Asi Muzvare Tsitsi Moyo, avo vanogara mumusha wekwa Majange kuMasvongo, vanotiwo zvinoitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika zvinoshoresa uye zvinovagumbura.
Muzvare Moyo vanoratidza kusafa chose nemasimukiro akaita Amai Mugabe kubva pavakaitwa mutungamiri we madzimai muZanu PF gore rapfuura, mushure mekutenderera nenyika vachiita misangano iyo vaituka vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joyce Mujuru.
Vanhu vazhinji vanoti kunyange mhuri yekutanga ichishora vamwe vanhu vanoita zvehupombwe uye tsika dzakaipa, kudanana nekuroorana kwavakaita Amai Sally Mugabe vachiri vapenyu kunoshoreka zvikuru.
Kunze kwe izvi, Amai Grace Mugabe vanozivikanwa pasi rose nembiri yekuda kuchena nekutenga zvinhu zvinodhura izvo zvakaita kuti vapiwe zita remadunhurirwa rekuti Gucci iro rinobva pane zita rembatya dzinodhura.
Mumwe mugari anoongorora zvematongerwe enyika, VaMugovera Makonese, vanoti nenyaya yembiri yekuda zvinodhura uye kungofachura mari vanhu vachitambura, zvinobudisa pachena kuti Amai Grace Mugabe havana moyo wehumai hunoremekedzeka.
Kunyange vamwe vanotsigria Zanu PF vachiti Amai Grace Mugabe vanokodzera kuremekedzwa semudzimai wemutungamiri wenyika, ruzhinji rwevanhu muongororo yakaitwa ne Studio 7 vanoti Amai Grace Mugabe vanoshoresa zita remutungamiriri wenyika pamwe nenyika yose, uye maitiro avo ndeekupesanisa vanhu, izvo zvinosiyana namuchakabvu Sally Mugabe.
Veruzhinji vasingadi kubuda pachena muZanu PF vanoti dai Amai Sally Mugabe vanga vachiri vapenyu, kupatsanuka kuri kuitika muZanu PF kusina kuitika nokuti muchakabvu aive mai venyika vaibatanidza vanhu.