Accessibility links

Global Witness Inobuda muKimberley Process Ichinyunyuta Pamusoro peZimbabwe

  • Sandra Nyaira

Sangano rakazvimirira rega re Global Witness rinoti rakubuda mu Kimberley Process mushure mekunge KP yapa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo ekwaMarange.

Sangano re KP rakaumbwa kuitira kuti mangoda asina kuchena asatengeswa pamisika yepasi rose.

Sangano iri nhengo dzaro dzinosangansira hurumende dziri munyika dzinocherwa mangoda pamwe nemasangano akazvimirira.

Global Witness iri kuti Kimberley Process iri kutadza kubuda nemitemo inoomesera hurumende dzinoshandisa mangoda adzo mukumbunyikidza vanhu vadzo.

Sangano iri rinoti rakashamiswa zvikuru kuti KP yakabvumidza mangoda ekwa Marange kuti atengeswe kunyange hazvo kuine zvimwe zvakawanda zvisati zvaitwa neZimbabwe nemakambani ari kuchera mangoda kwaChiadzwa.

Gurukota rezvemighodhi, VaObert Mpofu, vanoti Zimbabwe haisi kuzoshaya hope nekuti Global Witness yabuda mu KP vachiti KP haina kuumbirwa Zimbabwe chete, asi kuti yakaumbirwa nyaya dzemangoda pasi rose.

Mukuru we Centre for Research and Development ma Mutare, sangano rinogara rakaita ongororo yezviri kuitika kumangoda ekwaMarange, Va Farai Maguwu, vanoti kubuda kwe Global Witness kunoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mu KP.

XS
SM
MD
LG