Accessibility links

Breaking News

Germany Yovimbisa Kubatsira Guta reMutare


Germany Flag
Germany Flag
Germany inoti ichabatsira guta reMutare mukusimudzira mabasa aro sezvo nyika iyi yakazvipira kushanda neguta guru redunhu reManicaland.

Mumiri weGermany muZimbabwe, Ambassador Ullrich Kloeckner, vavimbisa guta reMutare rubatsiro rwakasiyana siyana, pamwe nekusimbaradza kudyidzana neguta iri munyaya dzezvehutano.

Ambassador Kloeckner vataura mashoko aya mushure mekuudzwa dambudziko reguta munyaya dzehutsanana pamwe nehutano, nemukuru wezvehutano mukanzuru iyi, VaHutsanana Simon Mashababe.

Mumiriri weGermany audzwa kuti nzvimbo dzinogara veruzhinji maMutare dzakaita se-Hobhouse, Chikanga uye neDangamvura hadzina zvipatara sezvo kanzuru isina zvivakwa zvacho uye mari yekuzvisumudza.

VaMashababe vanotiwo guta reMutare rakatarisana nedambudziko rekushaya mota dzakakwana dzinotakura marara, sezvo pari zvino paine motokari nhatu chete panzvimbo yegumi dzinodiwa mukuita basa iri nemazvo.

VaMashababe vaudza VaKloeckner kuti ishuviro yavo kuti vawane batsiro kubva kunyika Germany sezvaiitika kare kune mamwe maguta emunyika aibatsirwa nekugadzirirwa migwagwa pamwe nekupihwa motokari dzekushandisa mune zvakasiyana-siyana.

Ambassador Kloeckner vavimbisa kuti nyika yavo ichaumbiridza hukama hwayo neZimbabwe. Vanoti kudyidzana kwenyika idzi kwange kusiri kufamba zvakanaka makore mashoma apfuura. Asi vanoti chivimbo chavo ndechekuti izvi zvigadzirisike.

Mazuva mashoma apfuura, gurukota rezvakatikomberedza, VaSavior Kasukuwere, vakati vakashungurudzwa nemapurisa panhandare yeMunich kuGermany, vachinzi vaisakodzera kupinda munyika iyi apo vaishanya kunyika yePoland.

VaKloeckner vanoti kunze kwekusanyatsomira zvakanaka kwehukama hwenyika mbiri idzi, vachabatsira guta reMutare uye zvakare musha unochengetwa vana vanorarama nekugara mumigwaggwa weSimukai muno maMutare.

Meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti kushanya kwaVaKloeckner kwaMutare, avo vavanemwedzi miviri vatanga basa munyika vachibva kuMozambique kwavaishanda vari; kunotevera rwendo rwavo rwekunosangana navo kumuzinda wavo kuHarare.

Meya Nhamarare vanoti vane chivimbo chekuti guta richawana batsiro mune zvakawanda kubva kuGermany, kunyanya munyaya dzehutano, dzidzo uye nezvivakwa.

Mushure menhaurirano idzi, VaNhamarare, mutevedzeri wavo, VaCollins Mkwada, munyori weguta, VaSimon Muzawazi, Ambassador Kloeckner nevamwe vakuru vemukanzuru pamwe nevatori venhau, vazoshanyira nzvimbo dzinoda rubatsiro muguta nekunogara veruzhinji.
XS
SM
MD
LG