Accessibility links

Breaking News

EU Inobvisira Zvirango zveKushanya Vanhu Makumi Mashanu neMumwe Chete


Sangano renyika dziri mumubatanidzwa weEuropean Union rinoti harisi kuzobvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pazvirango kusvikira vaita sarudzo dziri pachena.

Mashoko aya ataurwa nemumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell Aricia, pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChishanu vachizivisa danho ratorwa nesangano ravo rekubvisa vamwe vanhu pazvirango.

Ambassador Aldo Dell Aricia vati pane vanhu makumi mashanu nemumwe chete nemakambani makumi maviri abviswa pazvirango neEU.

VaDell’ Aricia vati VaMugabe havasi kuzobviswa pazvirango kusvikira vaita sarudzo dziri pachena dzinocherechedzwa nezvizvarwa zveZimbabwe pamwe nevenyika dzekunze.

Vaenderera mberi vachiti kubvisa kwavaita vamwe vevanhu pazvirango kwakonzerwa nekuti vanhu ava havasi kuita zvinhu zvinotyora kodzero dzevanhu.

Vatiwo European Union yabudawo nechisungo chekuti ibvumidze makurukota maviri ari kumirira Zanu-PF munhaurirano pakati pehurumende yemubatanidzwa neEU, VaPatrick Chinamasa, vanove gurukota rezvemitemo, pamwe negurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, kushanyira nyika dzemuEU.

Vati izvi zvaitirwa kuti vaviri vakwanise kuenda kumisangano iyi kunyange hazvo vachiri vakatemerwa zvirango.

Vamwe vabviswa pazvirango vanosanganisira mushakabvu, VaSolomon Mujuru, vaimbova gavhuna we Masvingo, VaJosaya Hungwe, mutauriri we Zanu-PF, VaRugare Gumbo, sachigaro weBroadcasting Authority of Zimbabwe, VaTafataona Mahoso, vatori venhau vasere vanosanganisira VaReuben Barwe naMuzvare Judith Makwanya vanoshandira ZBC, pamwe nemupepeti webepanhau reHerald, VaPikirayi Deketeke.

Va Dell’ Aricia vati kubviswa kwaitwa vamwe vevanhu vari pazvirango ava ikurudziro yekuti vose vari kutyora kodzero dzevanhu munyika vaite zvinhu zvinotarisirwa kuti vaite panyaya yekuremekedza kodzero dzevanhu.

VaDell’ Aricia varumbidzawo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, pamwe nesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, re SADC, nekubatsira kwavari kuita Zimbabwe pagakava rezvematongerwo enyika.

Vati kunyange hazvo pane zvishomanana zvatishandukei munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe, pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa kuburikidza nekuzadzisa zviri muchibvumirano chezvematongerwo enyika.

Vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muEU, Amai Catherine Ashton, vatiwo EU yakagadzirira kuita hurukuro nevakuru veZanu-PF chero nguva. Vatiwo zvirango zvinogona kubviswa kana zvinhu zvikachinja.

Nyanzvi munyaya dzezvematongero enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti havasi kuona zvachinja panyaya yezvematongerwo enyika.

Vatiwo EU inogona kutora mamwe matanho zvichienderana nekuti chibvumirano chezvematongerwo enyika chiri kutevedzerwa here kana kuti kwete.

VaMugabe nevamwe vavo vakatemerwa zvirango ne EU muna 2002 mushure mesarudzo dzakashorwa pasi rose pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG