Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Mumwe weVanhu Vabvisirwa Zvirango neEuropean Union


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vashoma muZanu-PF, vari kutarisirwa kuramba vari pavanhu vacharamba vakatemrwa zvirango nesangano reEuropean Union, EU.

Asi zvinonzi vanhu vanodarika makumi mashanu vachabviswa pavanhu vakatemerwa zvirango.
Vanhu ava vanosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengengwi, uye gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

Asi vamwe vanhu nemakambani gumi nemumwe vanonzi vachaiswa pazvirango. Zvirango zvezvezvombo zvinonzi hazvisi kuzobviswawo neEU.

Hapana kuwirirana hapo pamasangano akazvimirira oga panyaya iyi. Sangano reInternational Crisis Group rinoti panoda muono mutsva panyaya yezvirango.

Asi sangano reOpen Society Institute – Southern Africa, OSISA, rinoti zvirango zvinofanira kuramba zviripo nekuti Zanu-PF iri kuenderera mberi ichitonga nedemo uye kukanganisa hutongo hwejekerere.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika inoshanda yakazvimirira, VaClifford Mashiri, vanoti zvaitwa neEU zvakanaka sezvo zvichiratidza vakaoma musoro muZanu PF kuti vakachinja maitiro avo vanotambirwa nedzimwe nyika.

XS
SM
MD
LG