Accessibility links

Breaking News

EU Inobatsira Zimbabwe neMamiriyoni Makumi Manomwe eMadhora


지난 9월 프랑스 스트라스부르그에 위치한 유럽연합(EU) 의회 회의장.
지난 9월 프랑스 스트라스부르그에 위치한 유럽연합(EU) 의회 회의장.

Sangano reEuropean Union, EU, rapa Zimbabwe mamiriyoni makumi manomwe emadhora ekuAmerica semari ichishandiswa mukabatsira kupedza nzara yakatarisana neveruzhinji uye kubatsira munyaya dzehutano nekurima.

Izvi zvaziviswa nemumiriri weEU muZimbabwe, VaTimo Okonnen, pamusangano waitwa nechikwata cheEU nechikwata chehurumende yeZimbabwe pamusangano wekuedza kugadzirisa hukama pakati peZimbabwe neEU.

VaOkonnen vati kuvandudzwa kwenyaya dzezvematongerwo enyika, hupfumi pamwe nekupedza huori zvinhu zvakakosha kuitira kuti hurumende yeZimbabwe ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika zvakanaka.

Mashoko aVaOkonnen anouyawo apo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakati hapana vekunze vanoda kusima mari yavo munyika isina kugadzikana, uye izere nehuori pamwe nekusachengetedzwa kwemitemo.

Nyaya yekuchengetedzwa kwemitemo nekodzero dzevanhu inyaya yanga iri mudariro zvakare pakati hurumende yeZimbabwe neEU nhasi.

Zvichakadai, vakafanobata chigaro chegurukota rezvinoitika kunze kwenyika, VaJuly Moyo, vati vane chivimbo chekuti zvese zvavanenge vasingawirirane neEU vachasvika pakunzwisisana.

Hukama pakati peZimbabwe neEU nedzimwe nyika dzekumavirira hwakatanga kusamira zvakanaka pakatemerwa zvirango vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari muZanu PF zvichitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika uye kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo.

Zvichakadai, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inoti zvirango zvavakatemerwa ivo nevamwe vari muZanu PF zvinofanira kubviswa ichiti zvirango izvi zviri kunze kwemurawo uye zviri kurwadza ruzhinji rweZimbabwe.

Asi veEU pamwe neAmerica dzinoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuvandudza nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nekuona kuti kodzero dzeveruzhinji dzachenegetedzwa zvirango izvi zvisati zvabviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG