Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotora Matanho Kuitira Kuti Ebola Isapinde Munyika


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa

Hurumende inoti iri kuvheneka vanhu vose vari kupinda munyika vachibva kunyika dzavhiringwa nechirwere che Ebola dzakaita se Guinea, Liberia ne Sierra Leone.

Chirwere ichi chakatangira kuGuinea muna Kurume, uye chiri kupararira mudzimwe nyika.

Vanhu vanosvika mazana manomwe nemakumi maviri nevapfumbamwe vaurayiwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Nyanzvi dzezvehutano dzinoti Ebola haisati yawanirwa mushonga wekuirapa.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti Zimbabwe yatanga chirongwa chekuongorora nekuvheneka vanhu vose vanenge vachibva kunyika dzine dambudziko rechirwere ichi.

Sangano reWorld Health Organization rinoti aka ndekekutanga chirwere ichi chichipararira zvakanyanya kudai munyika dzakawanda munguva pfupi.

WHO yaparura chirongwa chemamiriyoni zana emadhora chekurwisa chirwere ichi kumawirira kweAfrica.

Izvi zvaitwa mushure memusangano waitwa nevatungamiri venyika dzabatwa nechirwere ichi kunyanya.

Zimbabwe inotiwo iri kukurudzira zvizvarwa zvayo kuti zvisaende munyika dzine chirwere che Ebola ichi.

Vanhu vanenge vabatwa nechirwere ichi vanonzi vanotanga kurwadziwa nepahuro, kunzwa kupindwa nemhepo uye kungonzwa kurwadziwa muviri wese.

XS
SM
MD
LG