Accessibility links

Breaking News

France Inoti Dzamara Ngaadzoserwe kuMhuri Yake


VaItai Dzamara
VaItai Dzamara

Mumiriri wenyika yeFrance MuZimbabwe, VaLaurent Delahousse, vanoti kunyange hazvo kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe kwave nani, kupambwa kwemukuru weOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzamara, chinhu chakashata.

VaDelahousse vakomekedza hurumende yeZimbabwe kuita zvese zvainogona kutsvaga nekusunungura VaDzamara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neStudio7 pakuparurwa kwekambani yekuFrance yeMotul muZimbabwe neChipiri manheru, Va Delahousse vakati hurumende inofanira kuchengetedza vanhu vese sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

Vakati VaDzamara vanofanira kusunungurwa voenderera mberi nebasa ravo pamwe nekuriritira mhuri yavo.

Kunyange hazvo vanorwira kodzero dzevanhu vakamboratidzira uye dare repamusoro rakati hurumende inofanira kutsvaga VaDzamara, kusvika pari zvino havasati vawanikwa

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano revechidiki reYouth of Zimbabwe for Transparancy and Progress, VaDunmore Tshuma, vanoti havasi kufara nekuti hurumende haisi kuratidza hany’a nenyaya yekupambwa kwaVaDzamara.

VaDzamara vakapambwa mumusha weGlen View 7 muHarare masvondo matatu apfuura nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

XS
SM
MD
LG