Accessibility links

Breaking News

Dare Rinopedza Ongororo Yaro Pamafiro Akaita VaMujuru


Ongororo yemafiro akaita vaimbova mukuru wemauto, VaSolomon Mujuru, yapera kunzwikwa mudare neMuvhuro mutongi wedare achirasa chikumbiro chakaitwa nehama dzaVa Mujuru chekuti mutumbi wemushakabvu ufukunurwe pamarinda anovigwa magamba enyika kuitira kuti uongororwe patsva namazvikokota wekuSouth Africa.

Mutongi wedare, Va Walter Chikwanha, vatura mutongo wekuti havakwanise kubvumidza mhuri yemushakabvu kuti ifukunure mutumbi wemufi vachiti havasati vaongorora humbowo hwese hwakasvitswa mudare nevafakazi vese panyaya iyi.

VaChikwanha vati kuita izvi kwakafanana nekumhanyira kumedza kutsenga uchada sezvo dare richiri pakati pekuongorora zvose zvakataurwa nevafakazi vakapa humbowo hwavo mudare.

Gweta riri kumirira mhuri yemushakabvu, Va Thakor Kewada, vakati mazvikokota wemuZimbabwe akaongorora mutumbi wemushakabvu, Va Gabriel Aguero Gonzalez, havana kuita basa nemazvo, nokudaro mazvikokota wemitumbi yevanhu veku South Africa, Va Reggie Perumel, avo vakatsvagwa nemhuri yemushakabvu, vaida kuti mutumbi uyu ufukunurwe kuti vawuongorore patsva.

Asi mutongi wedare ati dare rake harina masimba ekuti mutumbi uyu ufukunurwe pasi pemutemo we Inquest Act uyo unoti gurukota rezvinoitika mukati menyika ndiro rine masimba ekupa mvumo yekuti mitumbi yevanhu ifukunurwe.

VaChikwanha vati pavachapedza kuongorora humbowo hwese hwakasvitswa kudare, vachaudza gweta guru renyika kuti ritore matanho kana vaona kuti pane chikonzero chingaita kuti mutumbi uyu ufukunurwe.

Zvichakadai, Amai Mujuru, avo vasvitsa humbowo hwavo kudare kuburikidza negwaro rehuchapupu ravakanyora, affidavit, iro raverengwa nemuchuchisi wehurumende, Va Clemence Chimbari, ndivo vaita mufakazi wekupedzisira paongororo iyi.

Vati vakasvika pamba iri papurazi pakafira murume wavo papurazi reRuzambo Alamaine, ku Beatrice mutumbi wemushakabvu uri murimi remoto uye vanodzimura moto hapana chavakabatsira nacho sezvo vakanga vasina mvura pavakasvika.

Vatiwo vakanga vasina svumbunuro dzepamba pemushakabvu. Kupedza kwaita vafakazi kupa humbowo kudare kwasiya mibvunzo yakawanda pane mhinduro sezvo pavafakazi vose pasina ari kutaura kuti chakakonzera moto unonzi wakazouraya Va Mujuru chii.

Ongororo iyi yanga ichiitwa nedare nepamusana pekuti mhuri yemushakabvu iri kuda kuziva kuti chakakonzera kuti Va Mujuru vafe chii.

Sachigaro we National Constitutional Assembly, uye vachidzidzisa zvemitemo pa University of Zimbabwe, Va Lovemore Madhuku, vanoti chikumbiro chemhuri yekwaMujuru chakakurumidza kuitwa nekuti mutongi ari kuongorora nyaya iyi anofanirwa kuphiwa nguva yakakwana yekuti aongorore zvose zvakataurwa nevafakazi asati apa mutongo wake.

XS
SM
MD
LG