Accessibility links

Breaking News

Dare Guru reNyika Rinoudza VaMugabe Kuti Vatare Mazuva eSarudzo


Dare repamusoro soro ratura mutongo neChina unosungira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vatare zuva richaitwa sarudzo mumatunhu matatu asisina vamiriri. Dare iri ratiwo VaMugabe vanofanirwa kuita izvi zuva risingadariki 30 Nyamavhuvhu.

Mutongo uyu unotevera kupikiswa kwanga kuchiitwa naVaMugabe mutongo wakaturwa naJustice Nicholas Ndou muna Gumiguru gore rapera, uyo wakati VaMugabe vaifanirwa kutara zuva rekuita sarudzo idzi, kana kuti by elections.

Izvi zvinotevera nyaya yakanga yakwidzwa nevaimbo vamiriri veNkayi South, VaAbednico Bhebhe, mumiriri weBulilima East, VaNjabuliso Mguni, pamwe nemumiriri weLupane East, VaNorman Mpofu.

Vatatu ava vakadzingwa mubato neMDC inotungamirwa maVaWelshman Ncube, vachinzi vaidyidzana neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Mutongi wedare repamusoro soro, VaGofrey Chidyausiku, vati dare ravo rawirirana kuti mutemo weElectoral Act – Section 39, unotaura zviri pachena, uye haupe mutungamiri wenyika mukana wekuita zvaanoda, asi kuti anosungirwa kutevedza mutemo, nokudaro dare ravo raona zvakakodzera kupa mutongo unosungira mutungamiri wenyika kuita zvinodiwa nemutemo.

Mutongo uyu unoteverawo mumwe mutongo wakapihwa nedare repamusoro mwedzi yadarika wekuti VaMugabe vanokwanisa kuendeswa kumatare edzimhosva kana vakaita zvinhu vasingatevedzeri mitemo iripo.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaendesawo VaMugabe kumatare mushure mekunge vaona kuti VaMugabe vakanga vachiita zvinhu zvakaita sekudoma magavhuna ematunhu vasina kugara pasi naivo VaTsvangirai sezvinodiwa nemutemo wakavaka chibvumirano chehurumende yemubatanidzwa.

ukuru weAfrica Regional Program musangano reInternational Commission of Jurists, VaArnold Tsunga, vanoti mutongo uyu wakakosha zvikuru muhutongo wejekerere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDehwa Mavhinga, vatenderana naVaTsunga vachiti VaMugabe vanofanira kuona kuti sarudzo dzaitwa.

Asi chipangamazano mubazi rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPsychology Mazivisa, vanoti mutemo uyu unoratidza kuti Zimbabwe inotevedzera mitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG