Accessibility links

Breaking News

Copac Yoronga Kuti VaJonathan Moyo Vatongwe neDare reParamende


Mumwe wemasachigaro ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti komiti yavo iri kuronga kuti nhengo yeZanu PF uye vachimirira Tsholotsho North mudare reparamende, VaJonathan Moyo, vamiswe pamberi peparamende vachitongwa nemhosva yekuzvidza komiti iyi pamwe nemabasa ayiri kuita.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti VaMoyo vari kuzvidza basa reCopac kuburikidza nezvinyorwa zvavo zvinobuda zvikuru mumapepanhau eHerald neSunday Mail.

Nemusi weSvondo, VaMoyo vakati Copac, iyo vakafananidza nechikwata chemhondi cheMafia, yapererwa zvekuti yave kushandisa nzira dzisina maturo mukuedza kumanikidzira kuti bumbiro remitemo reCopac ritambirwe, iro vanoti rakanangana nekuda kuchinja hurumende.

Mumwe sachigaro weCopac, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu PF, vashorawo VaMoyo mubepanhu reDaily News, nekuramba vachinyomba komiti yavo, vachiti VaMoyo vave kudarika zvinoitwa nasachigaro weN-C-A, VaLovemore Madhuku, mukushora kwavo Copac.

Sangano reNCA rinoti richakurudzira vanhu kuti vasatambire bumbiro idzva pareferendamu ichaitwa munyika, sezvarakaita mureferendamu yemuna Kukadzi 2000.

Asi VaMadhuku vanoti Copac iri kurasika pakuda kuti VaMoyo vamiswe pamberi peparamende, sezvo munyika muine mvumo yekuti munhu ataure zvaanofunga.

XS
SM
MD
LG