Accessibility links

Copac Inoti Vari Kunyora Bumbiro Vachaenderera Mberi neBasa Ravo

  • Jonga Kandemiiri

Komiti inokokera mabasa ekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kana kuti Management Committee, inonzi yakasunga kuti vari kunyora bumbiro idzva iri vaenderere mberi nebasa ravo, kunyange hazvo panga paine vamwe vanga voti vanhu ava vamiswe basa.

Komiti iyi, iyo yakasangana neMuvhuro, inonzi yakakurukurawo zvakare pamusoro pezvinetswa zvinonzi zvichiri kutadza kuwiriranwa nemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende, izvo zvinonzi zvave kutadzisa kuti Copac ichipeta basa rayo uye kusvitsa gwaro, kana kuti draft constitution kuvatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika.

Nyaya dzinonzi dzichiri kunetsa dzinosanganisira yekuzvitonga kwematunhu, uye yekuti chizvarwa cheZimbabwe chibvumidzwe kuve chizvarwa cheimwe nyika chisingarasikirwe nekodzero yacho.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rasachigaro anomirira Zanu PF muCopac, VaMunyaradzi Paul Mangwana.

Asi mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora veMDC T, vaudza Studio 7 kuti panyaya yekuti munhu anenge aponda kana kuuraya mumwe otongerwa rufu here kana kuti kwete, komiti iyi yakawirirana kuti anenge awanikwa aine mhosva ine humbowo hune hudzamu ndiye chete anofanirwa kutongerwa rufu.

XS
SM
MD
LG