Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votsamwa Zvichitevera Kusarudzwa kwaVaChiyangwa seMutungamiri weZifa


VaPhilip Chiyangwa
VaPhilip Chiyangwa

Vakawanda munyika vanoti havana kufara kuti muzvinabhizimisi, VaPhillip Chiyangwa, ndivo vakasarudzwa kuti vatungamire Zifa mushure mekukunda VaTrevor Carelse-Jull nemavhoti makumi mana ivo VaJuul vaine gume nematatu chete.

Imwe nhengo yeWarriors Fan Club, VaChengetai Muzvidziwa, vanoti
VaChiyangwa vanga vasingafanire kuve vakasarudzwa kutungamira sangano
iri.

Asi mumwe mutsigiri wenhabvu, VaPeter Muza, vanoti VaChiyangwa vanofanira kuita zvavakavimbisa apo vaida kuvhoterwa.

Asi VaMuza havana chivimbo chakakura muna VaChaiyangwa vachibvunza ivo kuti munhu asingazive zvenhabvu anokwanisa here kuti Zifa ifambe zvine
mutsindo.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, VaChristopher Chabva,vanoti chavari kuda kuna VaChiyangwa kuona kuti mari inobviswa pamagedhi yadzikiswa sezvo
yakawandisa.

VaChiyangwa vachatungamira Zifa kwemakore maviri kuitira kuti vapedze temu yevakadzingwa pabasa iri, VaCuthbert Dube, avo vari kupomerwa mhosva yekuita huori pamwe nekutadza kufambisa nhabvu munyika.

Chikwata cheHighlander chirikusangana neChicken Inn mufainari yeEasycall Cup mushure mekurova Dynamos 2-1.

Aka kave kechipiri gore rino Highlanders ichirova Dynamos mumikombe
mushure mekunge Bosso yakadambura Dembare mumutambo weZimbabwe
National Army Charity Shield.

Bosso. Iri kusangana neChicken Inn iyo yakarovawo Caps United 3-0
mumutambo wakatambirwa kuBaborufields Stadium neMugoverwa

Chicken Inn neHighlanders zviri kusangana mufainari nemusi weMugovera

Zimbabwe yatarisana nekudzingwa zvekare mumakwikwi e2022 World Cup
kana ikasabhadhara aimbove murairidzi wemaWarriors, Tom Sintfiel, neguva
yakatarwa.

VeZifa vapihwa kusvika musi wa 4 Ndira kuti vabhadare Seintfiet kana
kuti vadzingwe mumakundano e 2022 World Cup ayo ari kutarisirwa kuitwa
kuQatar

Izvi zvakataurwa nemumiriri weFifa, VaLuca Nicola, avo vaive pasarudzo
yevatungamiri venhabvu yakaitwa mukupera kwesvodo

Zimbabwe yakatoburitswa kare mumakundano e 2018 World Cup nemhaka
yekutadza kubhadhara mumwe aimbove murairidzi wemaWarriors, VaValinhos avo vakaendesawo zvekare nyaya yavo kuFifa.

Valinhos akazobhadharwa nehurumende mushure mekunge gurukota
rezvemitambo, VaMakhosini Hlongwane, vapindire

XS
SM
MD
LG