Accessibility links

Breaking News

Korera Inouraya Munhu Mumwe Chete muChiredzi


Vagari vemuguta reHarare nemamwe matunhu vari kukurudzirwa kuti varambe vachitora matanho ekuzvidzivirira kuchirwere chekorera icho chakauraya munhu mumwe chete kutanga kwaChivabvu muChiredzi.

Vanhu vari kubva muChiredzi vanonzi vari kuenda munzvimbo dzakawanda, kusanganisirawo Harare, izvo zvava kuita kuti bazi rezvehutano rikurudzire vanhu kungwarira kutapurirwa chirwere ichi.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rehutano, Amai Portia Manangazira, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachifashaidza mvura yekunwa munzvimbo dzavari kuitira kuti chirwere chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina mugore ra 2008, chisadzokere zvakare.

Amai Manangazira vanoti bazi ravo riri kushanda nevagari vemumisha dzemuChiredzi kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Korera inonzi yakawanikwa munzvimbo dzemuChiredzi dzinoti Manyise, Chingweme, Chifamba, Ranganai neHasani.

Amai Manangazira vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena munzvimbo dzakawanda, pamwe nekugara mararamiro asina hutsanana ndizvo zviri kukonzera zvirerwe zvakadai sekorera.

Aamai Manangazira vanoti bazi ravo riri kushanda navana mazvikokota munyaya dzezve hutano mumatunhu mazhinji kuitira kuti chirwere ichi chisawanikwe chichipararira.

Kunyange hazvo pane mudzimai mumwe akarasikirwa nehupenyu kuChiredzi, Amai Manangazira vanoti vari kufara nemabatirwo ari kuitwa dambudziko iri.

XS
SM
MD
LG