Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yomanikidza VaChinamasa Kukumbira Ruregerero kuParamende


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Dare reNational Assembly ratanga neChipiri kuzeya bhajeti regore rinouya asi izvi zvanonoka kutanga sezvo bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai range richiti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatyora bumbiro remutemo apo vakatura bhajeti iri.

MDC-T inoti VaChinamasa havana kupa mari kuhurumende dzematunhu pamwe nemakomisheni sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanokokera nhengo dzeMDC-T mudare iri, VaInnocent Gonese, vaudza dare iri kuti bumbiro remitemo yenyika rinosungira kuti zvikamu zvishanu kubva muzana zvebhajeti rese zvinofanira kupihwa kuhurumende dzematunhu, asi VaChinamasa havana kuita izvi mubhajeti ravo ra2016.

Vatiwo bumbiro rinosungira kuti makomisheni ese anoumbwa pasi paro apihwe mari dzawo pabhajeti iri asi izvi hazvina kuitwa zvakare sezvo mari dzemakomisheni aya akaita seresarudzo dzakapihwa pasi pebazi rezvemitemo.

VaGonese vatiwo VaChinamasa vanofanira kukumbira mvumo yedare pakushandisa kwavakaita mari zvakapfurikidza pabhajeti regore rino rakatambirwa neparamende.

Vati nekuda kweizvi paramende inofanira kumbomira kuzeya bhajeti iri kudzamara VaChinamasa vagadzirisa izvi.

Mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, vaudza dare kuti vanobvumirana nemaonere aVaGonese.

Asi VaChinamasa vati pari zvino havakwanisi kupa mari kuhurumende dzematunhu nekuti hapana mutemo unovabvumidza kana kuvapa gwara rekuti vanozviita sei.

Vati paramende inofanira kuumba mutemo wekushanda kwehurumende dzematunhu uye kana izvi zvikange zvaitika vanodzipa mari yadzinofanira kupihwa pabhajeti renyika yese.

Asi VaGonese vati haisi mhosva yenhengo dzeparamende kuti hurumende haisati yaumba mutemo wehurumende dzematunhu vachiti izvi zvinofanira kuitwa nedare remakurukota pamwe nemutungamiriri wenyika.

Kunyange hazvo nhengo dzedare iri dzichikwanisa kuumba mimwe mitemo, bumbiro haridzibvumire kuumba mitemo ine chekuita nekushandiswa kwemari.

VaChinamasa vabvuma kukumbira mvumo kudare kuti rivaregerere nekushandisa mari zvange zvisiri mubhajeti gore rino vachiti izvi zvakakonzerwa nesarudzo dzema by-elections dzange dzakawanda zvisina kutarisirwa.

Vati ma by-elections aya akaitwa zvichitevera kudzingwa kwenhengo dzinodarika makumi matatu dzeMDC T mudare iri.

Zvichakadai, dare iri razotanga kuzeya bhajeti remabhiriyoni mana emadhora regore rinouya, uye dare iri rinotarisirwa kupasisa bhajeti iri svondo rino.

Paramende yatombimisa mitemo yese yemashandiro eparamende nechingawa chekuti nhengo dzedare iri dzipasise bhajeti regore rinouya.

XS
SM
MD
LG