Accessibility links

Breaking News

China Yovakira Zvikoro Vakagariswa Patsva muZimbabwe


Hurumende ye China yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora ichashandiswa mukuvakwa kezvikoro zviri munzvimbo dzakapambwa minda nehurumende pakatorerwa varimi vechichena mapurazi achigoverwa kuvanhu vatema.

Vachitaura pavatambidzwa mari iyi, gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vabvuma kuti chirongwa chekugovera vanhu vatema minda hachina kufambiswa zvakanaka uye vati vana vazhinji vachiri kudzidzira mumadhirihora munzvimbo dzavagere mumapurazi aya.

Va Chinamasa vatenda rubatsiro rwavapihwa ne China urwu vachiti zvinoratidza kusimba kwakaita hukama hwe Zimbabwe ne China.

Mumiriri wehurumende yeChina muZimbabwe, Va Lin Lin, vati hurumende yavo yakazvipira kubatsira Zimbabwe mukusimudzira hupfumi hwayo uhwo hunonzi nenyanzvi dzezvehupfumi hwakawira pasi zvichitevera chirongwa chekutorwa kweminda chakatanga muna 2000.

Zvichakadai, Va Chinamasa vati chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Socio-Economic Transformation, ZimAsset, chiri kunetsa hurumende kuti ichizadzise zvinangwa zvayo.

VaChinamasa vakurudzira kuti nyika dzekunze dzibatsire Zimbabwe sezvaitwa naChina.

Va Chinamasa vati havasati vanyatsoziva kuti hurumende iri kuda mari yakawanda zvakadii kuti igokwanisa kupemha kune dzimwe nyika.
XS
SM
MD
LG