Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzinosangana neVamiriri veMapato Munhaurirano


Hurukuro dzekuedza kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa dzakatanga zvekare neMuvhuro apo chikwata chemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chakaita musangano nevamiriri vemapato matatu ari muhurumende iyi muHarare.

Chikwata chaVaZuma chakasvika munyika neMuvhuro mangwanani, uye chakatanga kusangana nevamiriri vemapato aya masikati, chichinzwa kuti sei mapato aya atadza kubvumirana pane zviri kunetsa muchibvumirano che Global Political Agreement.

Nhumwa dzaVa Zuma dzinosanganisira chipangamazano chavo munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, Va Charles Ngqakula, pamwe uye nava Mac Maharaj.

Nhumwa idzi dzinonzi dzichasanganawo nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara.

South Africa, iyo inova mutongi gava panyaya yeZimbabwe, iri kuda kuti gakava riripo pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, ripere nekukurumidza.

Vaviri ava vari kunetsana pamusoro pekugadzwa kwakaitwa naVaMugabe gavhuna webhanga guru renyika, Va Gideon Gono, pamwe nemuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, pasina kuwirirana. VaMugabe vari kurambawo kugadza mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaMugabe vari kurambawo kugadza magavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri.

XS
SM
MD
LG