Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaVaChihuri Younza Zinyekenyeke muHurumende yeMubatanidzwa


Paita kukandirana makobvu nematete pakati pehofisi yemutungamiri wenyika neyemutungamiri wehurumende nemutevedzeri wavo panyaya yekuti Police Commissioner General, VaAugustine Chihuri, vakapihwa basa here kana kuti kwete.

Nemusi weChitatu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vakaita musangano nevatori venhau vakavazivisa kuti vainge vatenderana mumusangano wavainge vaita nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti VaChihuri vachambofanobata matomu pachitariswa kuti ndiyani akakodzera kutora chigaro ichi.

Asi neChina, mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakazivisa mubepanhau reHerald kuti VaChihuri vainge vapihwa basa kusvika muna 2014. VaCharamba vaudza Studio 7 kuti VaChihuri vatori panyanga kusvika muna 2014.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti zviri kutaurwa naVaCharamba hachisi chokwadi.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Mwenezi East muparamende, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti VaMugabe vane simba rekudoma VaChihuri vasina kusuma VaTsvangirai.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe vanoti VaMugabe vanofanira kuzivisa nyika kuburikidza nekudhinda mubepa rehurumende chiziviso chekuti VaChihuri vakagadzwa zvakare semukuru wepamurisa.

XS
SM
MD
LG