Accessibility links

Breaking News

Chibvumirano che Global Political Agreement Chinosvitsa Makore Maviri


Bato re MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai rinoti pane zvizhinji zvachinja munyika zvinopa vanhu kugara zvakanaka

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chakazoita kuti kuumbwe hurumende yemubatanidzwa, chasvitsa makore maviri neChitatu kubva pachakanyoreranwa.

Asi muhurumende yemubatanidzwa mune misariridzwa mizhinji isati yagadziriswa kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, vakaudza musangano we SADC kuti Zimbabwe ichagadzirisa zvasara mukati memwedzi mumwe chete.

Zviri kunetsa muhurumende zvinosanganisira nyaya yemagavhuna eMDC ayo asati agadzwa, nyaya yemuchuchisi mukuru wehurumende, nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, nezvimwewo.

Bato re MDC inotungamirwa naVaTsvangirai rinoti kunyange hazvo paine makakatanwa, pane zvizhinji zvachinja munyika zvinopa kuti vanhu vagare zvakanaka sekuvhurwa kwezvipatara, zvikoro nezvimwe zvakadaro.

Mutauriri weMDC, Va Nelson Chamisa, vanoti vanotarisira kuti SADC ichaona kuti zvasara zvisati zvagadziriswa, zvagadziriswa zvachose.

Ukuwo mutauriri weZanu PF, Va Rugare Gumbo, vanotiwo zvasaririra kugadziriswa zvinosanganisirawo nyaya yezverango zvakatemera VaMugabe nevamwe vavo muZanu PF nenyika dzekumavirira.


Va Gumbo vanotizve MDC inofanira kumira kumhanyira ku SADC nekunaVa Zuma kunomhangara pamusoro pezviri kuitika munyika, sezvo paine nzira dzekugadzirisa zvinenge zvichinetsa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Va Charles Mangongera, vanotiwo zvisati zvagadziriswa munyika, zvinopfuura zvakagadziriswa nekuuya kwehurumende yemubatanidzwa, kunyange hazvo vachiti zvasaririra zvinofanirawo kugadziriswa.

XS
SM
MD
LG