Accessibility links

Breaking News

Kutorwa kweMapurazi Korwadza Sangano reCFU


Sangano reCommercial Farmers Union, CFU, rinoti kutorwa kwemapurazi evachena kuri kuenderera mberi, zvichitevera kupihwa mamwe matsamba ekutora mamwe mapurazi kwakaitwa vanhu nebazi rezveminda.

Vaimbove mutungamiri weCFU, VaTrevor Gifford, vanoti varimi vava kumirira kuona kuti hurukuro dziri kuyananiswa nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzichabuda here nechimuko, sezvo nyaya yekutorwa kweminda iri kutaurwawo nezvayo.

VaRejoice Ngwenya vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika. VaNgwenya vanoti zviri pachena kuti MDC haina simba muhurumende yemubatanidzwa, izvo zviri kupa kuti Zanu PF iramba ichiita zvainoda.

XS
SM
MD
LG