Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Havashamisike neKuurayiwa kweShumba Yainzi Cecil


Veruzhinji vanoti havasi kufara nekuurayiwa kweshumba yainzi Cecil mwedzi wapera vachiti asi hurumende haifanire kupedzera matombo kumakunguwo.

Varuzhinii vataura neStudio7 mu Harare vanoti havasi kufara nekuurayiwa kweshumba ku Hwange kwakaitwa nechizvarwa cheku America chinonzi Walter James Palmer.

Mumwe wevanhu ava ndiVa Cleopas Mutawu avo vanoti shumba iyi, iyo yakange yave nemakore gumi nematatu, yakanga yakakosha zvikuru mukushanyirwa kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Va Mutawu vanoti zita rakapihwa shumba iyi rinovafungisa kuuya kwakaita varungu mu Rhodesia vachitungamirwa naVa Cecil John Rhodes.

Mutungamiri weboka revechidiki mu MDC-T, Va Happymore Chidziva, vaudza Studio 7 kuti pane kuti hurumende ipedze nguva ichitaura nezvekuda kuti Va Palmer vauye kuzotongwa ku Zimbabwe nemhosva yekuvhima pamwe nekuuraya shumba iyi zvisiri pamutemo, hurumende inofanira kutora nguva yayo ichigadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero.

Zvataurwa naVa Chidziva zvatsinhirwa naMuzvare Kudzai Munemo avo vanoti hurumende inofanira kuona zvaingaite nechimbichimbi mukugadzirisa hupfumi hwenyika pane kuswera ichivanyaudza nenyaya yeshumba iyi.

Muridzi wekambani yeAlpha Media Holdings, Va Trevor Ncube, vakarambawo kutaura ne CNN vachiti nyika ine matambudziko akawanda ayakatarisana nawo pane kupedza nguva vachizeya nyaya yekuurayiwa kweshumba.

Zvichakadai, gurukota rinowona nezvemvura nezvakatikomberedza, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vakazivisa svondo rapera kuti hurumende iri kuda kusvitsa chikumbiro kuhurumende ye America chekuti Va Palmer vaunzwe ku Zimbabwe kuti vazomiswa pamberi pematare nemhosva yavari kupomerwa.

Asi tsvagiridzo yaitwa neStudio7 yaburitsa pachena kuti hurumende haisati yanyatsorongeka panyaya yekukumbira VaPalmer kubva kuhurumende ye America.

Muchuchisi mukuru wehurumende, Va Johannes Tomana, vati havasati vave nemapepa enyaya iyi.

Mutevedzeri wegurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Ziyambi Ziyambi, vati titaure nevekubazi rinowona nezvemitemo munyika avo vatisina kukwanisa kutaura navo.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havakwanise semapurisa kuti vakaendesa here kana kuti kwete mapepa enyaya yaVa Palmer kumapazi ehurumende anoona nezvekukumbirwa kwezvizvarwa zvedzimwe kubva kuhurumende dzazvo vachipa chikonzero chekuti nyaya yekuurayiwa kweshumba iyi ichiri kumatare.

Zvichakadai, mukuru-mukuru wechikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka cheParks and Wildlife, Va Edison Chidziya, vaburitsa mashoko ekuti kuvhimwa kweshumba, mbada nenzou hakuchabvumidzwe munzvimbo dzakakomberedza Hwange National Park.

Vatiwo kushandiswa kwemiseve mukuvhimwa kwemhuka pachishandiswa uta nemiseve hakuchabvumidzwa kutanga izvozvi vachiti vose vanoda kuita izvi vanofanira kutanga vapihwa mvumo nevanowona nezvekuchengetedzwa kwemhuka.

XS
SM
MD
LG