Makundano eCastle Lager Premier Soccer League atora imwe nzira kwasara mitambo miviri.
Dynamos, iyo veruzhinji vanga vachiti yabuda mumakundano aya, yadzoka zvakasimba mushure mekunge zvikwata zviri kutungamira zveChicken Inn neFC Platinum zvakaita mangange pakati pesvondo.
Dembare yasiiwa nemapoindi maviri chete neFC Platinum iyo iri pachunhanho chechipiri, uyezve namapoinzi mana nechikwata chiri kutungamira che Chicken Inn kwasara mitambo miviri kuti makundano asvike kwamvura yacheka makumbo.
Muongooriri wezvemitambo, VaFarai Manunure, vanoti Dynamos haisisimo mumakundano aya kunyange zvikwata zviri pamusoro zviri kutatarita.
VaManunure vanoti semaonera avo chikwata cheChicken Inn ndicho chatotora kare mukombe uyu kunyange hazvo makundano aya asati apera.
Asi mutsigiri weFC Platinum, Va Deon Mutyabere, vanoti ivo chikwata chavo ndicho chiri kutora mukombe uyu nekumiririra nyika muCaf Champions League gore rinouya.
Mitambo yenhabvu iriko yakamira sieizvi:
FC Platinum vs Caps United.
Dynamos vs Chapungu
Harare City vs Chicken Inn.
ZPC Kariba vs Hwange
How Mine vs Dongo
Whawah vs Flame Lilly
Triangle vs Buffaloes
VePremier Soccer League vari kuda kuti mitambo yese ipere kusati kwasvika musi wa 5 Zvita apo pachasarudzwa vatambi gumi nemumwe vakarura gore rino avo vanodaidzwa kunzi maSoccer Stars of the Year.
Musi mumwechetewo, ndiwo uchasarudzwa mutungamiri weZimbabwe Football Association Zifa.