Accessibility links

Breaking News

Kuvhenekwa kweGomarara reChibereko Kokurudzirwa Kuitwa kuMaruva


Nhengo dzedare reparamende dzakavhenekwa chirwere chegomarara rechibereko pakiriniki yeparamende svondo rino dzinoti chirongwa ichi chinofanira kuitwa mumatunhu ese munyika zvikurusei kumaruwa uko veruzhinji vasina ruzvivo pamusoro pechirwere ichi.

Vachitaura pakupera kwechirongwa ichi change chichiitwa nemubatanidzwa wenhengo dzeparamende dzechikadzi nesangano rePopulation Services International, PSI, mutevedzeri weWomem Parliamentary Caucus, Amai Paurina Mpariwa, vati chirongwa ichi chakanangana nekupa ruzivo kumadzimai pamusoro pechirwere chegomarara rechibereko pamwe nekukurudzira kuti madzimai andovhenekwa.

Vati chirongwa ichi chakanaka chose uye sangano ravo raronga nevePSI kuti vafambe muna constiuency ese vachivheneka madzimai pachena.

Amai Goodluck Kwaramba vekuHurungwe vanoti vakavhenekwa nechinangwa chekuti vazive zvavari uye vati vachakurudzira vana amai vari mudunhu ravo vavhenekwevo.

Asi vanoti dambudziko guru nderekuti makirinika munzvimbo mavo haana michina yekuvhenekwa chirwere ichi.

Amai Marble Kaundikisa, avo vanomirira Maramba Pfungwe vanoti madzimai mazhinji munzvimbo mavo ari kugara nechirwere chegomarara nekuti hakuna michina yekuvheneka zvirwere zvegomarara.

Vanoti zvakakosha kuti chirongwa chekuvheneka gomarara ichi chinotwa pachena, chiitwewo munzvimbo mavo kuitira kuti vanhu vasabatwe nechirwe ichi uye vanenge vainacho varapwe nekukasika.

Mumiriri weMasvingo muNational Assembly, Amai Monica Chigudu, vati dambudziko iri rakanyanya zvikuru kuMasvingo uye madzimai mazhinji munzvimbo mavo anoda kuvhenekwa kuti agorapwa nekukasika kana aching aonekwa kuti ane chirwere ichi.

Kusvika panguva dza12 masikati nhengo dzeparamende makumi mana neshanu pamwe nevashandi veparamende makumi mana nevaviri vange vavhenekwa kubvira musi wemuvhuro pakatanga chirongwa ichi.

Vazhinji vavo vange vari kufara vachiratidza vatori venhau zvabuda mukuvhenekwa kwavo asi vashandi vepakirinika yeparamende pamwe nePSI avo varamba kutaura kuti vangani vawanikwa vaine chirwere ichi vachiti zviri kunevavhenekwa kutaura pavamire.

Amai Mpariwa vati nhengo dzisina kuvhenekwa svondo rino dzichavhenekwa munguva inotevera apo dzichavhenekwa pamwe nenhengo dzedare reseneti idzo dzisina kuwana mukana sezvo dare iri range risiri kusangana svondo rino.

Vanhukadzi vanodarika chiuru nemazana masere vanobatwa nechirwere ichi gore rega rega uye chiuru nemazana maviri vanofawo nechirwere ichi gore rega .
XS
SM
MD
LG