Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voongororwa Pasina Muripo Gomarara Rinoita paZamu


Breast Cancer
Breast Cancer

Sangano rinoona nezvechirwere chegomarara reCancer Association of Zimbabwe riri kuongorora mazamu pachena mwedzi uno wese senzira yekupemberera mwedzi wa Gumiguru unozivikanwa nekudzidzisa veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara repazamu.

Mukuru weCancer Association of Zimbabwe, Muzvare Junior Mavhu, vanoti gore rino ndiko kekutanga kuongorora mazamu pachena mazuva ese epakati pevhiki vakati vari kufadzwa nekuwanda kwevanhu vari kuuya kuzoongororwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Mavhu vatiwo ishuviro yavo kuti ongororo yemazamu iyi vaiite kunze kweguta reHarare sezvo makore ese iri kungoitirwa muharare.

Muzvare Abigail Tafirei avo vanoti vakwereta mari yekufambisa kuti vasvike kuCancer Center muHarare, vanoti vari kufara nedanho ravatora rekuongororwa pamwe nekuwanikwa mazamu avo akanaka

Mumwe mudzimai anga akamirira kuongororwa, Amai Lilian Masuku, vanoti vari kufara nekuwana mukana wekuongororwa pachena.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko nekuongorora zvirongwa zvinoitwa ne Cancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa, vanoti vanhu vari kukoromoka vachiuya kuzoongororwa

Gomarara repazamu riri kuuraya vakadzi vazhinji muZimbabwe sezvo vazhinji vachizoonekwa kuti vanaro risingacharapiki.

Nyanzvi dzezvechirwere ichi dzinoti kukurumidza kuona chirwere ichi kunoita kuti vanachiremba vagone kuchirapa.

Cancer Association of Zimbabwe inoti ichabuda nehuwandu hwevanhu vakaueya kuzoongororwa panopera chirongwa ichi.

National Cancer Registry inoti zvikamu makumi masere kubva muzana zvechirwere ichi zvinopfuura mumaoko avo rinenge riri gomarara rinenge ratodzika midzi uye ronetsa kurapika

XS
SM
MD
LG