Accessibility links

Breaking News

Bumbiro reMitemo Idzva Rotarisirwa Kupetwa neChishanu


Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, varamba mashoko ekuti gwaro rekutanga rebumbiro idzva riri kunyorwa ringangosvitswa kuvatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa svondo rino.

VaMatinenga vati komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro iri, yeCopac, haina kumbobvira yatara nguva yekuti inenge yapedza kukwenenzvera gwaro iri riini richizoendeswa kuvatungamiri vari muhurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezviri kuitika mukunyorwa kwebumbiro idzva iri vanoti mapato ari kutonga ari matatu akawirirana pane zvose zvakanga zvichinetsa, zvinosanganisira kuzvitonga kwematunhu, kutongerwa kwemunhu rufu, nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvikwanise kuve zvizvarwa zvekune dzimwe nyika asi zvisingarasikirwi nekodzero dzazvo, pamwe nenyaya yekuti mutungamiri wenyika otonga kwemakore mangani.

Asi vamwe vanoti zvizhinji zvinonzi zvakawiriranwa nemapato aya hazvisi zvinhu zvakabva muvanhu, asi kuti zvakangodzurwa mugwaro reKariba Draft.

Asi VaMatinenga vaudza Studio7 kuti hapana chakaipa kutarisa zviri mugwaro reKariba Draft, sezvo vachingozviitawo nemamwe magwaro ebumbiro remitemo enyika dzakasiyanasiyana, ayo vanoshandisa mukutsvagawo njere.

XS
SM
MD
LG