Accessibility links

Breaking News

Britain Yorambidza Ndege Dzinobva kuZimbabwe Kuti Dzimhare Munyika Iyi


FILE - British Union flag waves in front of the Elizabeth Tower at Houses of Parliament containing the bell know as "Big Ben" in central London, March 29, 2017.

Hurumende yeBritain yazivisa kuti yambomisa kuti ndege dzinobva muZimbabwe nedzimwe nyika shanu dziri kuchamhembe kweAfrica kuti dzimhare munyika iyi kusvika nemusi weSvondo zvichitevera kuwanikwa kweimwe mhando yehutachiwana hweCovid 19 kuSouth Africa nekuBotswana.

Gurukota rinoona nezvehutano muBritain, VaSajid Javid, vati hurumende yavo yambomisa kumhara kwendege munyika yavo kubva nhasi masikati kusvika nemusi weSvondo dzinenge dzichibva kunyika dzinoti Zimbabwe, Botswana, Lesotho, South Africa, Namibia pamwe neEswathini.

Izvi zvinotevera kubatwa kweimwe mhando yeCovid 19, kana kuti new variant, muSouth Africa pamwe nemuBotswana pakutanga kwesvondo rino iyo iri kudaidzwa kuti B.1.1.529.

VaJavid vati hurumende yavo yatora danho iri uku ichinyatsoongorora kuti mamwe matanho aingatore ndeapi kuti new variant iyi isapinde munyika.

Israel inotiwo icharambidza zvizvarwa zvayo kushanyira nyika nhanhatu idzi kusanganisirawo Mozambique nekuda kwechikonzero chimwechetecho ichiti zvakare icharambidzawo vanhu vari kubva kunyika idzi kuti vapinde muIsrael.

Mumwe mukuru muEupean Union Commission, VaUrsulavon der Leyen, vabuditsawo mashoko padandemutande ravo reTwitter vachiti European Union ichatorawo matanho ekudzivirira kupararira kwe new variant iyi munyika dziri mugungano reEU.

Vanamazvikokota munyaya dzezvehutano muSouth Africa vanoti new variant yeB.1.1.529 iyi ine hukasha hwakanyanya uye hurumende yeBotswana yaburitsawo mashoko kuvatori venhau ichiti vanhu vana vose vakawanikwa vaine new variant iyi muBotswana, vakanga vakabaiwa nhomba dze Covid 19 kaviri sezvinokurudzirwa.

Gurukota rinoona nezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vanga vachitaura pavavhura zviri pamutemo kongiresi yavari munezvehutano ye Health Profesions Authority, vatiwo hurumende yakavhura ziso rayo kuti new variant iyi isapindewo munyika.

Asi vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vati Zimbabwe inofanira kugara yakagadzirira zvakakwana nekuti ma variant aya acharamba achingouya.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kutyira kuti chirwere cheCovid 19 chinogona kupararira zvakanyanya pachange pachifamba vanhu vakawanda munguva yezororo reKisimusi pamwe negoredzva.

Doctor Madzorera vakurudzirawo kuti miganhu yenyika ivharwe sezviri kuitwa nedzimwe nyika ukuwo vanhu vachiongororwa zvakasimba.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyika dzakaita seSouth Africa neBotswana kuti zviregedze kuuya kuzororo reKisimusi negoredzva zvisina kubaiwa nhomba senzira yekuderedza mukana wekupararira chirwere cheCovid 19. VaRusike vanotiwo vanhu vazhinji havachatevedzera nzira dzakatarwa dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Asi VaChiwenga vati hurumende iri kuita zvese zvainogona kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira uye vakurudzirawo veruzhinji kuti vasamire kubaiwa nhomba dzeCovid 19.

Bazi rezvehutano rinoti pane munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid nezuro zvabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi muZimbabwe pazviuru zvina nemazana manomwe nevana (4704) kubva pakatanga chirwere ichi.

Bazi iri rinotiwo vanhu vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro vakasvika zviuru gumi nezvisere nemazana matanhatu nemakumi masere nevanomwe (18687) izvo zvasvitsa huwandu hwevabaiwa nhomba yekutanga munyika yose pamamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe nemakumi matatu nezvinomwe nemazana mana nemakumi matanhatu nevatatu (3 737 463).

Vanhu vakabaiwa nhomba yechipiri nezuro sezvinokurudzirwa vakasvika zviuru zvinomwe nemazana nana nemakumi masere nevatanhatu (7486) izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri munyika yose pamamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nezvna zvine mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevapfumbamwe (2 774 929).

Huwandu uhwu hunogona kukwira pachaziviswa zvabuda muongororo dzaitwa nebazi iri muzuva ranhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG