Accessibility links

Breaking News

VaBiti Voudza VaMugabe Kutsvaga Mabhiriyoni Mana eMadhora


Finance Minister Tendai Biti
Finance Minister Tendai Biti
MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti nyika inofanirwa kutsvaga mari inoita mabhiriyoni mana emadhora kuitira kuti ashandiswe mukuvandudzwa kwehupfumi hwenyika hwainoti hwaenda. kumawere.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House mu Harare neChipiri, munyori mukuru mu MDCT, uye varivo gurukota rezvemari muhurumende yeparutivi yeMDCT, Va Tendai Biti, vati hupfumi hwenyika hwagwadama pamusana pekuti hurumende yemutungamiri weZanu PF, Va Robert Mugabe, haisi kucherechedzwa munyika.

Va Biti, avo vambenge vasingataure zvakawanda mumazuva apfuura, vakurudzira hurumende yaVa Mugabe kuti itsvage mari inoita mabhiriyoni mana emadhora ekudziisa hupfumi hwenyika kuti husaome sechando, kana kuti stimulus package.

Mari iri kutaurwa naVa Biti iyi yakangoda kuenzana nebhajeti renyika regore rino rakaturwa negurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa.

Va Biti vaenderera mberi vachiti kubva pakaitwa sarudzo dzegore rapera pane makambani anodarika mazana matatu akavhara zvavati zviri kukonzera kuti hurumende ishaye mari dzanga dzichibhadharwa nemakambani aya semutero.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hapana hurumende pasi rose inorarama kana isingawane mitero kubva kumakambani anoshandira munyika mayo.

Zimbabwe inonzi iri kutatarika kuti iwane mari yemitero kubva makambani akawanda, zvikuru anoita mabasa ezvicherwa, ayo anga akatarisirwa kuvandudza hupfumi hwenyika.

Va Biti vati chimwe chinofanirwa kuitwa nehurumende kutsvaga
kudyidzana nenyika dzepasi rose kunyange hazvo vachiti
havacherechedzi hurumende iyi.

Mashoko aVaBiti anotevera mashoko aVaTsvangirai neMuvhuro, avo vakaudza vamiriri vekune dzimwe nyika mamiriro akaita zvinhu munyika.

Bato reMDC-T rinoti Zanu PF haina gwara rakajeka rekuvandudza hupfumi,izvo zviri kuita kuti vane mari vatye kuzotanga mabhizinesi munyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG