Vabereki vemumusha weMuchesu kuBinga vanoti nhamo nehurumbo kwavari zvicharamba zvakanamira sechikwekwe sezvo vana vavo vavaiti vakadzidza, vaizoshandura hupenyu hwavari kurarama, voava kutadza kuenderera mberi nedzidzo.
Vagari vekuMuchesu, nzvimbo ine makiromita anodarika makumi masere uchibva mudhorobha reBinga, vanoti havana chikafu chekupa vana vavo sezvo vasina kuwana goho rakanaka.
Mumwe wevanhu ava, Amai Idah Sibanda, vane vana vaviri vanofanirwa kunge vachienda kuchikoro.
Asi Amai Sibanda vanoti vana vavo vakatorega kuenda kuchikoro sezvo kusina chikafu chekuti vadye vagofamba makiromita anosvika manomwe kuti vaende kuchikoro zuva rega rega
Mumwe mugari wekuMuchesu, Muzvare Mwemwe Mleya, vanoti vari kukumbirawo kumasangano akazvimirira kuti avabudisewo mupfumvu yavari nemhuri yavo.
Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaNyoni Membwe, vanoti pamusoro pedambudziko rechikafu, vane dambudziko zvakare remvura yekunwa nekushandisa mudzimba izvo zvoita kuti nzvimbo shomanane dzasara dzine mvura, dzinge dzichishandiswawo nezvipfuwo zvavo.
Gwaro rakabudiswa muna Chikunguru wegore rino nesangano rinoona nezvevanotambura re Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee, rinoti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru, vazhinji vavo vari vekumamisha, havana zvekudya zvakakwana.
Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti hurumende yeZimbabwe iri kutadza kuzadzikisa chisungo chayakaita kutanga kwegore chekuti hakuna mwana wemuZimbabwe achashaya chekudya.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe izvo nyanzvi dziri kuti zviri kukonzerwa nekutadza kuronga zvinhu kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF.
Nyanzvi idzi dzinotiwo kubva pakatanga kubvutwa mapurazi evachena achipihwa vakuru vakuru muZanu PF pasi pechirongwa chekuendesa ivhu kuvatema, zvinhu hazvina kuzombomira zvakanaka munyaya dzekurima nehupfumi.