Accessibility links

Breaking News

Kupisa Koramba Kuchienderera Mberi Munyika


Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services, rinoti kunze kucharamba kuchipisa kwemazuva mashoma ari kutevera.

Bazi iri riri kukurudzirawo veruzhinji kuti vazvichengetedze munguva iyi richiti kupisa kwakanyanya uku kunogona kuvhiringa hutano hwevanhu.

Mukuru wePublic Weather Services mubazi iri, Va Tich Zinyemba, vanoti nzvimbo zhinji munyika dziri kudarika mapisiro adzo emakore ose.

Nzvimbo dzakaita se Lupane, Chiredzi, Beitbridge neKariba, dzapisa kusvika pa 42 Degrees Celcius.

Izvi zvanga zvichiitikawo kwemazuva mashanu. Zimbabwe haisati yambopisa zvakadai.

Va Zinyemba vanoti vanhu vanofanira kuzvichengetedza nekuti zuva iri rinorwarisa. Vanotiwo nyika dzose mudunhu rekuchamhembe dziri kupisa zvikuru.

Gurukota rebazi rezvehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana, Va Henry Madzorera, vanoti kupisa kwakadai kunogona kuvhiringa hutano hwevanhu.

XS
SM
MD
LG