Accessibility links

VaKasukuwere Vanoramba Chikumbiro cheZimplats

  • Jonga Kandemiiri

Gakava pakati pebazi rezvekuendesa hupfumi kuvatema nekambani yemigodhi yeZimplats rinenge richatora nguva yakareba kugadziriswa zvichitevera danho ratorwa nebazi rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, rekuramba chikumbiro chekambani iyi chekuti iwedzerwe nguva yekuti inge yaendesa zvikamu makumi maviri nezvipfumbamwe kubva muzana kuhurumende.

Zimplats yakanga yakumbira mazuva makumi matatu yekuti igadzirise nyaya iyi, asi gurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vakaramba kutambira chikumbiro ichi.

Mwedzi wapera, VaKasukuwere vakapa Zimplats masvondo maviri ekuti inge yaita zviri kudiwa nemutemo, vachiti ikatadza kuita izvi, yaizotorerwa rezinesi rayo.

VaKasukuwere vasangana negurukota rezvemigodhi nezvicherwa, VaObert Mpofu, kuti vazeye nezvenyaya iyi, iyo yakakurukurwa zvakare neChipiri nevanyori vemapazi maviri aya.

Panenge pane kusawirirana pakati pemapazi maviri aya pagwara rinofanirwa kutorwa nehurumende.

Chipangamazano mubazi rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaPsychology Mazivisa, vanoti bazi ravo rakaramba kutambira chikumbiro cheZimplats ichi sezvo yakanga yambopiwa nguva yakareba yekuti itevere zvinodiwa nemutemo uyu.

XS
SM
MD
LG