Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC yaVaNcube Roparurua Chirongwa Chekudzidzisa Vechidiki Nhoroondo yeBato


Chikoro chejekesa pfungwa muzvidzidzo zvakasiyana siyana che mdc inotungamirwa nava welshman ncube, chiri kuvhura misuwo yacho mangwana mubulawayo.

Mutauriri weMDC yaVaNcube, VaNhlanhla Dube vati chikoro ichi chichange chichidzidzisa vechidiki vebato ravo gwara rebato, nyaya dzezvematongerwo enyika, zvidzidzo zvematongerwo emaguta pamwe nemitemo inobata veruzhinji.

Kunyange hazvo chikoro chevechidiki ichi chiri chekutanga kuitwa nebato iri munyika, bato iri, risati rapatsanuka kubva muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rakabatsira mukuvakwa kwechikoro chezvipangamazano muSouth Africa, cheZimbabwe Institute, icho chino tungamirwa naVaIsaac Maphosa naVaBrian Raftapoulis.

Vamwe vanoti vanotsigira danho rekuparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki vebato iri, asi vamwewo ndivo vari kuti kana bato iri richida kuti vechidiki varo vadzidze nhoroondo yenyika, vadii kungopinda muchirongwa chehurumende chekudzidzisa vechidiki muzvikoro zveBorder Gezi Training Centres.

Bato reZanu PF rine chirongwa chakadai charinoti riri kudzidzisawo vechidiki zvidzidzo zvekushandisa maoko, uye nhoroondo yenyika.

Asi masangano akazvimirira pamwe nemapato anopikisana neZanu PF anoti Zanu PF iri kudzidzisa vechidiki ava zvekushungurudza vanopikisana nepfungwa dzebato iri.

Vaive meja muchiuto, uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Mazowe North mudare reparamende, VaCairo Mhandu vaudza Studio 7 kuti vanofara chose nedanho ratorwa neMDC rekuona kukosha kwakaita zvirongwa zviri kuitwa rkare nebato ravo reZanu PF zvekudzidzisa vechidiki kukosha kwenhoroondo yenyika yavo, uye kuzvibata.

XS
SM
MD
LG