Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi munezvematongerwo enyika Dzoshora MDC Nekugadza VaNelson Chamisa Semutungamiri Wevanhu.


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika iri kushora zvikuru zvakaitwa nebato rinopikisa reMDC zvekugadza mutungamiri waro VaNelson Chamisa semutungamiri wevanhu kana kuti "People's President." kuGwanzura Stadium nemusi weeMugovera.

VaChamisa nevatsigiri vavo ve MDC vakaungana vachipembererera makore gumi nemamupfumamwe kubva bato iri raumbwa uye kukunda kwavanoti vakaita musarudzo dzemuna Chikunguru.

Masangano anodyidzana neMDC akaita seTajamuka, ZINASU, neGeneral Concensus vakataurawo vachitsigirana ne MDC vachiti vari kupa mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa kusvika musi wa 1 Mbudzi kuti vasiye basa kuitira kuti VaChamisa vapinde panyanga.

VeTajamuka vakati VaMnangagwa vakasasiya chigaro chemutungamiri wenyika, vacharatidzira uye kutora matanhoi akaomarara kusvika vabvuma kuita izvi.

Vaimbove gurukota uye vari mumwe wevakuru mubato re Zanu PF VaDzikamai Mavhaire avo vave kubato re MDC vakashora zvikuru hutungamiri hwe vaimbove varwi verusununguko vachiti vanofanira kuremekedza ani nani zvake akarwa hondo yechimurenga zvisineyi nekuti vane maonero akasiyana maererano nezvematongerwo enyika.

Mutungamiri wesangano rinomiririra vashandi reZCTU VaPeter Mutasa, vakatiwo vanotengesa mumigwagwa vanofanira kudzokera mumigwagwa kusvikira hurumende yavapa mabasa kwete kuvadzinga mumigwagwa pasina kwekuti vaende.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTshwaane University of Technology, Doctor Ricky Munyaradzi vanoti zvakaitwa ne MDC kupedza nguva nekuti hazvichinji mamiriro ezvinhu munyika asi kutowedzera kusawirirana mune zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG