Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Vokurudzira Kubviswa kweZvirango


Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, uye ari murume wavo, Va Robert Mugabe, pamwe nevamwe vavo vari muZanu PF, nenyika dzakabudirira, zviri kukanganisa basa rekuraramisa vana muzvipatara.

Amai Mugabe vataura izvi pakuparurwa kwehurongwa hwekuraramisa vana vane makore ari pasi pemashanu avo vanonzi vari kufa nezvirwere zvinowanzouraya vana vadiki. Hurongwa uhwu hwaparurwa muHarare nebazi rezvehutano pamwe nekurerwa kwakanaka kwevana.

Hurongwa uhu huri kudaidzwa kuti Child Survival Strategy. Amai Mugabe vati zvirango izvi zvinofanira kubviswa nekukasika kuitira kuti hurumende ikwanise kuraramisa vana ava.

Amai Mugabe vakurudzirawo kuti hurumende ione kuti vashandi vemuzvipatara vatambiriswa mari yakawanda kuitira kuti vagokwanisa kuita basa ravo nemazvo. Amai Mugabe vatiwo vachatora vana vashanu vasina vabereki vovaita vana vavo zviri pamutemo.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vaudza Studio7 kuti hurongwa uhwu huchabatsira mukuderedza huwandu hwevana vanofa vasati vasvitsa makore mashanu vaine chinangwa chekuzadzikisa nyaya dzezvehutano pasi pechirongwa che Millenium Development Goals.

VaMadzorera vakurudzirawo vanonamata chechi yechipositori kuti vaendese vana vavo kunobaiwa majekiseni kuitira kuti vana vavo vasarambe vachirasikirwa nehupenyu.

Vana vazhinji vari pasi pemakore mashanu vanonzi vari kufa nezvirwere zvinorapika zvakaita semanyoka, mabayo nezvimwe zvakadaro.

Hurongwa uhu hwanga huchitsigirwa nemasangano akaita seUnicef, USAID, World Health Organization, nemamwewo.

XS
SM
MD
LG