Accessibility links

Breaking News

America Yotemera Zvirango Vakuru veZvikwata Zvinopfurikidza Mwero muAfrica


Chikwata cheAl-Shabab chichiita zvidzidzo zvehondo muMogadishu.
Chikwata cheAl-Shabab chichiita zvidzidzo zvehondo muMogadishu.

Lieutenant General Scott Berrier vanotungamira bazi rezvekusora mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika muAmerica kana kuti U.S. Army Director of the Defense Intelligence Agency vanoti dambudziko revanopfurikidza mwero riri kuramba richinetsa muAfrica sezvo paine zvikwata zvinodyidzana vezvikwata zvakaita Al Qaida neIslamic State zvakawanda.

Zvikwata zvakaita secheAl Shabaab zvinodyidzana neAl Qa’ida zviri kukonzera kusagadzikana kumabudazuva kweAfrica. Lieutenant General Scott Berrier vakayambira kuti zvikwata zvakaita seJama’at Nusrat al-Islam wal Muslimin kana kuti JNIM, zviri kukanganisa zvakanyanya kumawirira kweAfrica uye chikwata cheISIS kuMozambique chapawo kuti vakawanda vaende muhupoteri.

Bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika reState Department rinoti pane vanhu vashanu vave kuzivikanwa kuti vanotungamira zvikwata zvinopfurikidzwa mwero izvi vaiswa pazvirango kana kuti Specially Designated Global Terrorist pasi pechikamu cheExecutive Order 13224, chakavandudzwa.

Vanhu ava vanoti Bonomade Machude Omar anozivikanwa nekuti, Abu Sulayfa Muhammad na Ibn Omar vanotungamira chikwata cheISIS kuMozambique.

Vamwe vakatemerwa zvirango ndi Sidanag Hitta, anozivikanwa nekuti Abu Qarwani na Abu Abdelhakim al-Kidali vari kutungamira chikwata cheJama’at Nusrat al-Islam wal Muslimin kudunhu reKidal kuMali.

Salem Ould Breihmatt anozivikanwa nekuti Abu Hamza al-Shanqiti na Hamza al-Mauritani vanotungamira vanopfurikidza mwero mudunhu reMopti kuMali.

Ali Mohamed Rage anozivikanwa nekuti Ali Dheere anova mutauriri weal-Shabaab anombotungamira nyaya dzehutororo mu Kenya ne Somalia atemrwawo zvirango.

Midziyo yose yevanhu ava munyika dzinodyidzana neAmerica ichatorwa uye zvizvarwa zveAmerica hazvibvumidzwe kudyidzana navo.

Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAnthony Blinken vanoti America yakazvipira kuvhara nzira dzose dzinoshandiswa neISIS-Mozambique, JNIM, neAl-Shabaab sezvo zvose zviri zvikwata zvakaiswa pazvirango kana kuti Foreign Terrorist Organizations and Specially Designated Global Terrorists nechinangwa chekuona kuti hazvirambe zvichikonzera rufu rwevanhu.

Asi VaBlinken vanoti kuti zvikwata izvi zvisarambe zvichidzika midzi kumawirira, mabudazuva kana kuchamhembe kweAfrica zvinoda mushandirapamwe pakati penyika dzose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG