Accessibility links

Breaking News

America Yoshora Kupondwa kweVatori veNhau muRussia


Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin
Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muRussia.

America inoti muna Chikunguru uno iri kurangarira nekupa ruremekedzo kuvatori venhau vaviri Natalia Estemirova na Paul Klebnikov avo Vakapondwa muna 2004 na 2009.

Vaviri ava vange vakazvipira mukuita basa ravo uye kurwira kodzero dzevanhu uye huori.

Klebnikov aive nemumwe mubereki kubva kuAmerica uye ainge ari mupepeti mukuru weForbes Russia Magazine rinotarisa nyaya dzezvehupfumi uye aizivikanwa nenyaya dzekufumura huori hwaiitwa nevemabhizimisi vemuRussia.

Musi wa 9 Chikunguru, 2004, Klebnikov akapfurwa kapfumbamwe muMuscow, guta guru reRussia panze pehofisi yake.

Estemirova aizivikanwa nenyaya dzekurwisa kodzero dzevanhu muGrozny guta guru reChechnya ,

Sangano raaishanda naro rinorwira kodzero dzevanhu reMemorial Human Rights Center rakaunganidza humbowo hwevanhu vaipambwa nekupondwa muChechnya muna 1999 apo vairirwira rusungunuko kubva kuRussia.

Mutori wenhau uyu akafumura nyaya dzekuurayiwa kwevanhu pasina kutongwa kumatare. Vamwe vevanhu ava vaipisirwa dzimba vamwe vachikandwa mujeri vasina mhosva.

Estemirova aishanda nemumwe mutori wenhau wekuRussia, Anna Politikovaskaya airwirawo kodzero dzevanhu nekushora hurumende ye Russia uye naiyewo akapondwa muguta reMuscow muna 2006.

Muna 2007, Estemirova akave mutori wenhau wekutanga kupihwa mubairo weAnna Politkovskaya Award unopihwa mudzimai anorwira kodzero dzevanhu gore roga roga.

Kusvika parizvino hapana ati asungwa achipomerwa mhosva dzekuponda Klebnikov na Natalia Estemirova.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yeAmerica VaAntony Blinken mumashoko kuvatori venhau vanoti vanhu vakaronga nekuuraya vatori venhau ava havasati vaendeswa kumatare kunotongerwa mhosva dzavakapara uye mhirizhonga nekutyisidzira vatori venhau zviri kuenderera mberi muRussia.

America inoshora hurumende yeRussia zvikuru nekutyora kodzero dzevatori venhau uye inomira nevatori venhau vari kumbunyikidzwa ava.

VaBlinken vanoti Estemirova naKlebnikov vachagara mundangariro dzevakawanda kwemakore akawanda nehushingi hwavo mukurwira kodzero dzevanhu uye kurwisa huori muRussia.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yemuAmerica pane zviri kuitika muRussia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG