Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaObama Inotemera Zvirango Makambani Maviri Ari Kuchera Mangoda kwaMarange


U.S. President Barack Obama speaks during a U.S.-Brazil Business Summit in Brasilia, Brazil, Saturday March 19, 2011. Obama arrived in Brazil on Saturday for the start of a three-country, five-day tour of Latin America. (AP Photo/Silvia Izquierdo)
U.S. President Barack Obama speaks during a U.S.-Brazil Business Summit in Brasilia, Brazil, Saturday March 19, 2011. Obama arrived in Brazil on Saturday for the start of a three-country, five-day tour of Latin America. (AP Photo/Silvia Izquierdo)

Hurumende yeAmerica yawedzera makambani maviri ari kuchera mangoda kwa Marange e Mbada Diamonds ne Marange Resources pamakambani emuZimbabwe nevanhu vayakatemera zvirango.

Izvi zvinoreva kuti hapana munhu kana kambani yekuAmerica inobvumidzwa kushanda kana kutenga mangoda kubva kumakambani aya.

Asi hurumende yaVaBarack Obama haina kuisa pagwaro iri kambani ye Anjin inova mubatanidzwa wehurumende yemuZimbabwe nekambani yeku China ichangobva kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo ne Kimberley Process.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvezvicherwa, Va Gift Chimanikire, vanoti hurumende ichambokurukura pamusoro penyaya iyi kuti iwone kuti pane zvichakanganisika here mukuwana kwayo mari kubva kumangoda ekwa Marange kutsigira hurumende.

Vaimbova mutungamiri we Affirmative Action Group, uye vachishandawo munyaya dzezvicherwa, Va Supa Mandiwanzira, vanoti zvaitwa neAmerica hazvina kunaka nekuti kuedza kudzvanyirira kuti vana veZimbabwe vasawana cheuviri pazvicherwa zvavo.

Mukuru wesangano re Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vanoti zvava pachena kuti America yainga isingatsigiri pfungwa yekuti Zimbabwe itombotengesa mangoda ekwa Marange aya kumusangano we KP wakaitirwa ku Kinshasa ku Democratic Republic of Congo mwedzi miviri yapfuura.

XS
SM
MD
LG