Accessibility links

Breaking News

Ambassador Ray Vanocherechedza Veterans Day Vachibatsira Vanogara paSt Giles


Vashandi vepamuzinda weAmerica muZimbabwe pamwe nevakarwa muhondo yerusununguko, vabatana neChina mukubatsira zviri pachena pamusha unochengetwa vakakuvara zvakaipisisa weSt Giles muHarare.

Izvi zvaitwa mukucherechedza zuva re Veterans Day iro racherechedzwa neChina muAmerica.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, vabatana nevakarwa muhondo yerusununguko vari pasi peZimbabwe People’s Revolutionary Army, kana kuti ZIPRA Trus,t mukupa rubatsiro pamusha uyu.

Vachitaura nevatori venhau pa St Giles, Ambassador Ray vati vawona zvakakodzera kuti vatore zuva rezororo iri kupa rubatsiro vachiti Zimbabwe ine vanhu vakawanda vari kuda ruyamuro munyaya dzezvehutano, hupfumi, fundo nezvimwe zvakadaro.

Sachigaro we ZIPRA Trust, Va Lazarus Ray Ncube, vati ivo nevamwe vavo vaona zvakakodzera kuti vape rubatsiro pachena nhasi vakabatana nevashandi vepamuzinda wavo pazuva rekucherechedza Veterans Day muAmerica.

VaNcube vati vakarwa hondo yerusunguko havafanire kuswera vachiita zvematongerwo enyika nekuita kana kukurudzira mhirizhonga vachiti vanofanira kuita zvinhu zvinoyemurika zvakafanana nekubatsira vanotambura.

Ambassador Ray nevamwe vavo vaswera vachiisa mahwindo matsva pamusha we St Giles vachibvisa akapwanyika pamwe nekurima mubindu remusha uyu izvo zvichaita kuti vanochengetwa pamusha uyu vasapindirwe nemvura mudzimba dzavanogara nepamahwindo uye vagokwanisa kuwana chokudya kubva mubindu iri

XS
SM
MD
LG