Accessibility links

Breaking News

Amai Pillay Vokurudzira VaMugabe Kuti Sarudzo Dziitwe Murunyararo


Nhumwa yeUnited Nations inoona nezvenyaya dzekodzero dzevanhu, Amai Navi Pillay, avo vari kuongorora mamiriro enyaya dzekodzero munyika, vasangana neChitatu nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakavakurudzira kuti vaite sarudzo dziri pachena kana sarudzo dzoitwa munyika.

Vachitaura nevatori venhau pa State House mushure mekusangana naVa Mugabe kweawa imwe chete nechidimu, Amai Pillay vati musangano wavo nemutungamiri wenyika wafamba zvakanaka. Amai Pillay vaudza vatori venhau kuti vakurudzira VaMugabe kuti vaone zvavangaite nenyaya yemhirizhonga inonzi iri kuitika munyika.

Vatiwo vaudzwa naVaMugabe mamiriro akaita zvinhu, uye zvinhu zviri kukonzera kuti zvinhu zvimire sezvazviri muZimbabwe.

VaMugabe pamwe nebato ravo vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino. Asi mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa anoti sarudzo idzi hadzifanirwe kuitwa kudzamara zvose zvine chekuita nesarudzo zvagadziriswa.

VaMugabe nevamwe vavo vari mu Zanu PF vakatemerwa zvirango nenyika dzekumavirira mushure mekubiridzira sarudzo uye nyika idzi dzinoti VaMugabe mutungamiri asiri kuchengetedza kodzero dzevanhu munyika, zvikuru dzevanhu vanopikisa bato ravo.

Vasati vasangana naVaMugabe, Amai Pillay vamukira kumusika unotengeserwa fodya weBoka Tobacco Auction Floors, uko vaona varimi vadiki vasiri kuwana zvekushandisa zvakakwana.

Amai Pillay vatiwo kunyange hazvo chirongwa chekugovera vatema ivhu chakabatsira vanhu vakawanda munyika, vanhukadzi vazhinji vachiri kuomerwa nehupenyu.

Nezuro, Amai Pillay vakasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakasangana zvakare nemasangano akazvimirira, vachinzwa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu.

Amai Pillay vachange vari munyika kusvika neChishanu vachiongorora nyaya dzekodzero dzevanhu munyika zvichitevera kukokwa kwavakaitwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG