Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yobvunzurudza Chakadya Mari dzeOperation Maguta


VaGideon Gono
VaGideon Gono
Bazi rezvekurima raudza neMuvhuro komiti yehurumende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende, kana kuti public accounts, kuti harina ruzivo rwekuti ndivanaani vakapihwa mbeu nezvekurimisa nehurumende muzvirongwa zvayo zvakasiyana siyana sezvo risiri iro raitungamirira zvirongwa izvi.

Munyori mubazi iri, VaRingson Chitsiko, nevamwe vashandi mubazi iri vaudza komiti iyi kuti kunyange hazvo zvirongwa zvakaita seOperation Maguta neFarm Mechanisation zvaibatsira bazi ravo, havasi iwo vaitungamira zvirongwa izvi nekudaro havatomboziva kuti zvirongwa izvi zvaifamba sei.

Bazi rezvekurima range rakokwa nekomiti iyi kuti rizotsanangura zvakabuda muongororo yakaitwa naComptroller and Auditor – General iyo yakati zvinhu zvainge zvisina kufamba nemazvo muzvirongwa zvekubatsira varimi apo vanhu vaingopihwa zvinhu vasingaudzwe kuti vaizozvibhadhara riini, uye kana kuudzwa mutengo wazvo.

Mukuru anoona nezvemari mubazi rezvekurima, VaKudakwashe Zata, vaudza komiti iyi kuti bazi iri handiro raitungamira zvirongwa izvi vakati semuenzaniso, Operation Maguta yaishanda yakazvimirira zvekuti yaitokwereta mari kubva kuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, bazi ravo risingazvizivi.

Operation Maguta, iyo yaiitwa nemasoja ichitungamirirwa naBrigadier General Douglas Nyikayaramba, yakasiya chikwereti chemamiriyoni mana emadhora icho chave kunzi chitorwe nebazi rezvekurima.

Ongororo yaAuditor-General inoratidzawo kuti vanhu vakawanda vakapihwa zvinhu zvekurimisa zvinokosha mamiriyoni akawanda emadhora uye hapana matanho ari kutorwa nebazi rezvekurima kuona kuti vanhu ava vabhadhara zvinhu zvavakapihwa.

Asi vashandi vebazi rezvekurima vaudza komiti iyi kuti zvinhu izvi zvaipiwa pasi pechirongwa che farm mechanization icho chaitungamirwa neRBZ nekudaro havana humbowo hwekuti zvinhu zvaifambiswa sei.

Asi komiti iyi, iyo inotungamirwa na Amai Paurina Mpariwa veMDC-T, yati bazi rezvekurima rinofanira kutsvaga humbowo uhwu sezvo zvirongwa izvi zvaitwa pasi paro.

VaChitsiko vavimbisa kutsvaga humbowo uhwu asi vakati zvakaoma kutsvaka humbowo pamusoro pezvinhu zvaiitwa kuRBZ.

Nhengo dzekomiti yaAmai Mpariwa kubva kumativi ese ezvematongerwo enyika yati zvakakosha kuti bazi rezvemari riremekedze veruzhinji nekubudisa humbowo uhwu sezvo vanhu vachida kuziva kuti mari yehurumende yakashandiswa sei.

Mumiriri weKambuzuma, VaWillas Madzimure, vati havafari kuti bazi rezvekurima rinoti harina humbowo pamusoro pezvinhu zvaiitika mukati maro.

Gore rapfuura paramende yakamboedza kutsvaga humbowo uhwu asi vamwe vanhu vaitungamirira zvirongwa izvi vakaita sevaimbova mukuru weRBZ, VaGideon Gono, nemukuru weGrain Marketing Board, VaAlbert Mandizha, vakaramba kuburitsa humbowo uhu vachiti vainge vahuendesa kubazi rezvekurima.

Asi bazi rezvekurima rati harina humbowo uhu. Bazi iri rapihwa svondo kuti ritsvage humbowo uhu uye richamira pamberi pekomiti iyi zvekare svondo rinouuya.

Zvirongwa zvekubatsira vanhu nembeu nezvekurimisa zvaibatsira vakuru vakuru veZanu PF pamwe nevatsigiri vebato iri.
XS
SM
MD
LG