Accessibility links

Breaking News

Bhanga reADB Rinoti Riri Kufara neBasa Rakaitwa neKanzuru yeBulawayo


Siège de la Banque Africaine de Développement à Abidjan, le 4 octobre 2016 (VOA/Nicolas Pinault)
Siège de la Banque Africaine de Développement à Abidjan, le 4 octobre 2016 (VOA/Nicolas Pinault)

Bhanga reAfrican Development Bank rinoti rinofara nebasa rakaitwa nekanzuru yeguta reBulawayo mukuvandudza basa rekuwanisa vagari mvura yakachena pamwe nekurasa mvura ine tsvina mushure mekunge kanzuru iyi yapiwa mari nebhanga.

Vachitaura neStudio7 parutivi rwemusangano wavaita nevakuru vakuru
vekanzuru yeBulawayo nhasi mukuru webhanga reAfrican Development Bankkana kuti ADB, Amai Judith Kateera, vati vanofara kuti chirongwa
cheBulawayo Water and Sewerage Services Improvement Project chakafamba zvakanaka.

Amai Kateera vati kunyange hazvo pasati pave neongororo yechirongwa
ichi yaitwa iri pamutemo vanogutsikana kuti kanzuru yeguta reBulawayo
yakaita nemazvo basa raitarisirwa kuitwa pasi pechirongwa ichi
vachitiwo uyu mucherechedzo wakanaka unoratidza kuti makanzuru
anokwanisa kushanda zvakanaka.

Pasi pechirongwa ichi, Bulawayo yakapiwa mari inoita mamiriyoni makumi matatu nematatu emadhora ekuAmerica kuti iite basa iri kutanga mugore ra2016.

Munyori wekanzuru, VaChristopher Dube, vati chinangwa chekuuya kwaita
mukuru mukuru webhanga reADB nevamwe vavo change chiri chekuti vaone kuti hurongwa uhu huri kufamba sei sezvo chirongwa ichi chave kusvika kumagumo.

VaDube vati chirongwa ichi chingadai chakapera asi zvimhingamupinyi
zvakasiyana siyana kusanganisira kuchinja chinja kwemari inoshandiswa
munyika pamwe nekuveko kwechirwere cheCovid-19 kwakaita kuti chirongwa ichi chinonoke kupera panguva yachaitarisirwa kupera.

Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vatenda ADB nekubatsira kwarakaita kanzuru vachiti chirongwa ichi chichabatsira zvikuru mukuita kuti kanzuru ikwanise kuita mabasa ainotarisirwa kuita nemazvo.

Asi mumwe mugari wemuBulawayo asina kuda kudomwa nezita rake ari dambudziko remvura rihiri muguta iri uye kwaanogara zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Semune mamwe maguta nemadhorobha emunyika, guta reBulawayo
rakatarisana nedambudziko rekuwana mvura yakachena yakakwana uye kurasa mvura ine tsvina nenzira yakafanira inoita kuti mvura iyi isape vagari zvirwere.

Muna Chikunguru wegore rakapera kune vanhu gumi nevatatu vakafa muguta reBulawayo nechirwere chemanyoka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG