Accessibility links

Breaking News

Banga Guru remuAfrica Rinoti Zimbabwe Ichiri Kuomerwa Munyaya dzeBudiriro yeHupfumi


Bhanga reAfrican Development Bank, ADB, rinoti kubva pakaumbwa homwe yekubatsira makambani anenge anyura mumatope, yeDistressed and Marginalised Areas Fund gore rapera, hapana chekupemberera chati chaitwa nehomwe iyi chinooneka, sezvo kuti makambani aya akwanise kuwana mari iyi, riri dambudziko guru kwazvo.

Mugwaro raro remwedzi waChikumi, bhanga iri rinotiwo zvinhu zvakadzikira zvikuru mumwedzi waChivabvu gore rino munyaya dzezvigadzirwa pamwe nezvicherwa, zvichienzaniswa nenguva imwe cheteyo mugore rapera.

ADB inoti zvicherwa zvakaderera nezvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana, zvichienzaniswa negore rapera nguva imwe cheteyo.

Bhanga iri rinoti izvi zvakakonzerwa nekutya kuri kuita vanhu kuisa mari dzavo mumabhizinesi ezvemigodhi vasingazivi remangwana rechirongwa chekuendeswa kweupfumi kuvatema.

Gwaro iri rinoyambirawo Zimbabwe kuti kupinda kwayakaita muchibvumirano chekutengeserana nesangano reEuropean Union pasi peEconomic Partnership Agreements, kunoisa pamhene maindasitiri emuZimbabwe, sezvo asati ogona kumisidzana nemaindasitiri ekuEurope nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti vanobvumirana neongororo yeADB iyi, sezvo zvinhu zvisiri kuratidzika zvakanaka munyaya dzezvinhu zvinosimudzira upfumi hwenyika, kusanganisirawo nyaya dzekurima.

Mune imwe nyaya yezveupfumi, sachigaro webhodhi rinoona nezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, reNational Indigenisation and Economic Empowerment , VaDavid Chapfika, vanonzi vakapa vemabhanga ekunze kusvika kupera kwaChikunguru kuti vange vatevedzera zviri kudiwa nemutemo wekuendeswa kwepfumi kuvatema.

VaChapfika vanonzi vakaudza nhepfenyuro yeZBC mukupera kwesvondo kuti mutemo wavo uyu idemo risina muti warinonzi rinoera, vakati vachatadza kuita izvi, vachatorerwa matanho akaomarara zvikuru.

NeChishanu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudzawo nhengo dzebato ravo reZanu PF kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kunge zvichiwana zvikamu zvose zveupfumi munyika, vachiti mutemo uripo pari zvino wekuti vatema vange vaine zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana, hauchatambirika.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe nagavhuna webhanga guru renyika, VaGedion Gono, vari kushoropodza chirongwa chekutora mabhanga ekunze ichi.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaChapfika kuti titaure navo panyaya iyi.

Asi nyanzvi mune zveupfumi, uye vari mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti VaChapfika vanogona kunge vachirevesa pamusoro pemutemo uyu, sezvo vasiri kuratidza kudzokera shure.

XS
SM
MD
LG