Accessibility links

Breaking News

Vanga Vachipomerwa Mhosva Yekuita Mhirizhonga Vanokandwa Mujeri kweMakore Manomwe


Bulawayo Court Case
Bulawayo Court Case

Mumwe mutongi wedare ramajisitireti muBulawayo atongera vamwe vanhu vana kuti vagare mujere mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekukonzera mhirizhonga muna Ndira wegore rino apo pakaitika mhirizhonga munyika.

Vanhu vakawanda vachema vamwe vakaratidza kusuwa apo mutongi wedare, VaTinashe Tashaya, vatongera Melusi Moyo, Josephat Ngulube, Fortune Masuku naOtilia Sibanda kuti vagare mujeri kwemakore manomwe mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekukonzera mhirizhonga.

VaTashaya vati kunyange hazvo vana ava vakapa zvichemo zvavo kusanganisira kuti pakati pavo hapana akambopara mhosva, vaona zvakakodzera kupa mutongo uyu nekuti mhosva yavakapara ihuru chose.

Pamakore manomwe avanzi vachagara mujeri, gore rimwe chete rasendekwa parutivi zvichireva kuti vachagara mujeri kwemakore matanhatu.

Vana ava vakabatwa nemhosva vachinzi vakapwanya mudhuri wakakomberedza pamba pevaimbove sachigaro wedunhu reBulawayo muboka remadzimai rebato reZanu PF, Amai Eva Bitu, vakapisa motokari nhatu dzaive pamba apa.

Ngulube akakwikwidza akazvimirira pakuve mumiriri weBulawayo South musarudzo dzakaitwa gore rakapera uye anoziikanwawo achirwira kodzero dzevanhu.

Otilia Sibanda akakwikwidza kuve kanzura ari pasi pebato rePeople First rinotungamirwa naAmai Joyce Mujuru.

Gweta raNgulube, VaNqobani Sithole, vati vashamisika kuti pakupa mutongo wake, mutongi wedare apinza dzimwe nyaya dzisina kumbogara dzataurwa nezvadzo mudare, vakati vari kukwira kudare repamusoro reHigh Court kuti vapikise mutongo uyu.

Gweta range rakamirira vamwe vamwe vatatu, VaSimbarashe Chivaura, vatiwo havana kufara nemutongo wapihwa nemutongi wedare vakati vachapikisawo mutongo uyu kudare reHigh Court.

Vana ava vazopiwa mutongo wavo mushure mesvondo mbiri vabatwa nemhosva uye vange vachitadza kuunzwa kudare kubva kuKhami Prison kwavanga vari sezvo zvange zvichinzi motokari inounza vanhu kudare yange yakafa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG