Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti vakaudza mutungamiri weRussia VaVladimir Putin kuti vakasamira kurwisa Ukraine muhondo yavanoti haina nematuro ose vachatemera nyika iyi zvirango zvakaomarara.
Mutevedzeri wemumiriri weRussia kuUnited Nations VaDmitry Polyanskiy vaudza nhepfenyuro yeReuters kuti hapana zvitsva zviri kutaurwa naVaTrump uye America yagara yakavatemerazvirango.
Asi vati havo Russia yakagadzirira kuita nhaurirano dzekupedza hondo iyi.
Izvi zviri kuenderana nevimbiso yaVaTrump kuti vanoda kumisa hondo pakati peUkraine neRusssia nechimbichimbi.
Zvimwe zviri kuitwa naVaTrump zvavakavimbisa kuendesa mauto kumuganhu weAmerica neMexico uko kuri kupindwa nako nevasina magwaro kuzopotera.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe VaTim Muringai vanoti , "Tiri kutarisira kuwona zvinhu zvizhinji zvichisanduka pasi pehutongi hwaVaTrump sekuvimbisa kwavakaita pavaitsvaga rutsigiro," VaMuringai vaudza Studio7.
Forum