Accessibility links

Breaking News

Kuenda kwaAmai Mnangagwa kuMusangano weUNWTO World Food Summit kuSpain Kwoshoropodzwa neVamwe, Vamwe Vachikurumbidza


Amai Mnangagwa vanonzi vari kumusangano weUNWTO World Forum semunyarikani mukuru wezvekushanyirwa kwenyika.
Amai Mnangagwa vanonzi vari kumusangano weUNWTO World Forum semunyarikani mukuru wezvekushanyirwa kwenyika.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vanonzi vari kumusangano weUnited Nations World Tourism Organisation wakanangana nekusimudzira pamwe nekushambadza kushanyirwa kwenyika kuburikidza nechikafu chinodyiwamo wechisere, kana kuti 8th UNWTO World Forum on Gastronomy Tourism, uri kuitirwa kuSpain.

Amai Mnangagwa vanonzi vari muchikwata cheZimbabwe chinosanganisira gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Barbra Rwodzi, uye vanonzi vakakokwa nevarongi vemusangano uyu kuburikidza nemabasa avanonzi vari kuita ekusimudzira kushanyirwa kwenyika uye kushambadza chikafu chinowanikwa munyika, zvikuru chechinyakare.

Vanonziwo nebepanhau reHerald ndivo mudzimai wemutungamiri wenyika wekutanga kubva kuAfrica kupinda musangano uyu.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti nzendo dziri kutungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika pamwe nemhuri yemutungamiri wenyika dzawanda kunyange hazvo ivo vasiri vashandi vehurumende.

Muongorori wezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre For Natural Resource Governance, VaFarai maguwu, vanoti izvi zvinoratidza pamire nyika kuti yaenda kumawere.

VaMaguwu vanoti vanhu vanofanirwa kunge vachimirira Zimbabwe kumisangano yakadai vanhu vane ruzivo nezvekushanyirwa kwenyika, kwete kuti munhu anosarudzwa nekuti anopa rubatsiro kumasangano kana kuti nekuti munyarikani.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti vari kushoropodza rwendo rwaAmai Mnangagwa vanhu vasingazivi mashandiro echigaro chavainacho cha patron wezvekushanyirwa kwenyika.

Doctor Mavaza vanoti Amai Mnangagwa havana kuenda kuSpain serwendo rwedungamunhu, asi kuti vakatoenda vachimirira nyika nekudaro vanhu vanofanirwa kuzviremekedza izvozvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG