Accessibility links

Breaking News

ZESA Yovimbisa Varimi VeGorosi Magetsi Kutanga Muvhuro Uno


Mutungamiri werimwe sangano reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union (ZICFU) Amai Mayiwepi Jiti vanoti kutanga mangwana, ZESA yakavimbisa kuti ichange ichiwanisa varimu magetsi uye ZINWA ichavawanisa mvura kuitira kuti varime gorosi.

Amai Jiti cvaudza Studio 7 kuti izvi zvakabuda pamusangano wavakaita nebazi rezvekurima. Varimi vange voti vave kuderedza ndima yekurima sezvo magetsi ange achingodzimwa dzimwa.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau kuti zimbabwe gore rino yange ichida kurima gorosi rinosvika metric tonnes zviuru mazana mana nemasere kana kuti 408, 000 metric tonnes kudarika zviuru mazana matatu nemakumi masere kana kuti 380, 000 rakarimwa gore rapera.

Hurumende inoti chinangwa chayo ndechekuti isatenge gorosi kubva kunyika dzakaita seUkraine iyo iri kurwiswa neRussia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG