Maonero eHurumende yeAmerica
Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neLibya.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muLibya nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye mhirizhonga.
Mumwe mukuru muhofisi yemumiriri weAmerica kuUnited Nations kana kuti Alternate Representative for Special Political Affairs VaRobert Wood vanoti vanotambira matanho ave kutorwa neLibya kuyedza kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nenhaurirano dziri kukokerwa neUnited Nations kuEgypt.
VaWood vanoti ino yave nguva yekushanda nemapato ose ezvem,atongerwo enyika kuona kuti nhaurirano dzabudirira kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika iyi.
Vaendererawo mberi vachiti kuunza mapato ose pamwe chete kuti azvipire pachibvumirano chekuti sarudzo dzinonoke kuitwa pachigadziriswa zviri kunetsa. Vanotiwo America ichaenderera mberi ichitsigira nhaurirano idzi nebasa riri kuitwa nekomisheni inonzi High National Elections Commission.
VaWood vanotiwo matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika anofanira kuitwa panguva imwe chete nekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekugadzikana kwenyika.
Vatiwo zvakakosha kuti matambudziko akatarisana nebhanga guru renyika kuitira kuti pajekeswe nyaya yemafambisirwo emari dzenyika uye kudzivirira nyaya dzehuwori. Ambassador Wood vati mauto ose ekunze kweLibya kusanganisira vechikwata chekuRussia cheWagner Group vanofanira kubuda munyika iyi.
Asi vatiwo vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kuda kutiza muLibya vachienda kunopotera kune dzimwe nyika vamwe vachiguma vanyura munyanza yeMediterranean. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nevanhu vekunze vari mumajeri emuLibya vari kubatwa senhapwa. VaWoods vati America inokoshesa kodzero dzevabvakure vari muLibya.
Vati vanotsigira mabasa ari kuitwa nekomisheni inoona nezvekodzerp dzevanhu iri kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuridzira Libya kuti ishande nayo zvakanaka.
Vati zvakakosha kuti vanhu vemuLibya vasarudzo hurumende yavanoda vachisimbaradza kuti America ichamira nawo kuona kuti izvi zvazadzikiswa.
Mashoko aya anotaura pamire America pakudyidzana neLibya.
See all News Updates of the Day
Mashoko Anotaura Pamire America Pakudengenyeka kweNyika Kwakaitika muTurkey neSyria

Vanhu vanodarika zviuru maku mana nechimwe kana kuti 41, 000 vafa vamwe vanoodarika chiuru zana kana kui 100 000 vakakuvara mukudengenyeka kwenyika kwakaitika muTurkey neSyria.
Kudengenyika uku kwakaitika nemusi weMuvhuro mangwanani zvichireva kutivakawanda vainge vakarara zvakapa kuti vadonherwe nemidhuri. Zvikwata zvinobatsira kununura vanenge vawirwa nenjodzi zviri mubishi kuyedza kubatsira vanhu vakawirwa nemidhuri ava.
Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Erdogan vakati midhuri inodarika zviuru makumi matanhatu nemazana mana nemakumi mana nemana kana kuti 6, 444 yainge yawondomoka. Zvikwata zvevanhu vanobatsira kubva kunyika dzinodarika makumi maviri nemana dziri kubatsira kuyedza kununua vanhu nekubatsira vakapona.
Asi kupa rubatsiro kune vanhu vemuSyria kunonzi kuri kunetsa sezvo hurumende yenyika iyi iine mitemo inoita kuti zvinetse kupa vanhu zvekudya. Muganhu mumwe chete unobvumidzwa kupinda chikafu munyika iyi kubva kuTurkey wakambovharwa pakadengenyeka nyika.
Musi wa 9 Kukadzi ndipo pakatozokwanisa United Nations kudarika pabhodha apa kekutanga kubva zvakadengenyeka nyika.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakatumira mashoko enyaradzo kuvanhu vemuTurkey neSyria vachiti zvakaitika zvinoshamisa uye kurwadza.
Vakati vanhu vemuAmerica nedzimwe nyika vari mukuchema nekushaya kwevanhu vakawanda zvakadai vakati vakarasikirwa nehama vari mundangariro dzavo. VaBlinken vakazivisawo nezvichaitwa neAmerica kubatsira vakawirwa nedambudziko ava.
Vakati kuTurkey vatumira nyanzvi dzinobatsira munguva yematambudziko dzinodarika zana nemakumi mashanu uye zvikopokopo zviri kuenda kunzvimbo dzisisafambike zvakanaka.
MuSyria VaBlinken vanoti vari kushanda nemasangano akazvimirira oga avagara vachishanda nawo akaita sereWhite Helmets.
Vati vatumirawo nyanzvi dzinoona nezvemuchetura unokwanisa kukanganisa hupenyu hwevanhu nekuondomoka kwemidhuri, vakuru vakuru mukubatsira vanenge vawirwa nematambudziko, nyanzvi munyaya dzezvehutano uye michina inodarika zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 170,000 yekubatsira kana kwaita kudengenyeka kwenyika.
VaBlinken vanoti America yakazvipira kuita zvose zvainogona kubatsira vakawirwa nedambudziko rekudengenyeka kwenyika iri
- Blessing Zulu
Mashoko Anotaura Pamire America Pamhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Mauto eRussia Ari Kurwisa Ukraine.

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.
Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.
Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.
Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.
Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.
Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.
Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.
Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.
Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.
VaCarpenter vanoti America iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.
Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.
USAID Yobatsira Ukraine muHondo neRussia Munguva yeChando

Mukuru wesangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID, Amai Samantha Power vanoti mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin vari kuda kushandisa chando sechombo chehondo.
Vanoti zviri kuitwa neRussia zvekubhomba magwenya emagetsi mazana ezviuru zvevanhu achisara asina zvekudziisa dzimba idanho reRussia rekuda kupfidzisa vanhu ava munguva yechando.
Amai Power vakashanyira Ukraine mavhiki adarika vanoti America ichapa Ukraine mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nemashanu kana kuti US$55 million dollars kuti vanhu vemunyika iyi vasarohwe nechandi zvakanyanya. Vanoti rubatsiro urwu ruchabatsira zvizvarwa zveUkraine mamiriyoni manomwe kuti zviwane kudziirwa munguva yechando.
Amai Power vanoti America ichashanda nedzimwe nyika nemasangano anopa rubatsiro kuti vawanise vanhu vemuUkraine magetsi negas munguva yechando. Vakasanganawo nevarimi vari kunzvimbo dzainge dzapambwa neRussia dzikazosungunurwa nemauto eUkraine avo vanoti vakawana mapurazi avo abiwa kana kupazwa zvikwanisiro zvekurimisa. Vamwe vanoti vakawana minda yavo nedzimba zvakateyiwa zvimbambaira.
Amai Power vakasanganawo nevamwe varimi vainge vakohwa goho rakakura asi vakashaya kwekutengesera kusvika paitwa chibvumirano chakatungamirwa neUnited Nations neTurkey.
America yakaparura imwe homwe yemari inosvika zana remamiriyoni kana kuti 100 million kubatsira varimi kuti vaendese goho ravo kumisika vachishandisa migwagwa, njanji nenzizi. Chirongwa chinonzi Agri-Ukraine ichi chakanangana nekuti varimi vemunyika iyi vakwanise kumira voga kunyangwe hondo ichiri kuenderera mberi. Amai Power vanoti hupfumi hwenyika yeUkraine haungamirire uti hondo ipere.
Vanotiwo varairidzi, vashandi vehurumende vanotengesa muzvitoro nevamwe vari kuda mabasa. Vanoti mitero yavanobhadhara yakakosha mukusimbaradza hupfumi hweUkraine.
Amai Power vakasimbaradza shoko rekuti America ichamira neUkraine munguva dzose. Vakati vanozvinzwisisa kuti vanhu vemuUkraine vari kushungurudzwa zvakanyanya neRussia pasina chikonzero chakati tsvikiti. Vakati
asi mune remangwana.
Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neUkraine.
America Yoshanda neNyika dzemuAfrica Panyaya Dzekuenda kuMwedzi neZvitundumuserere

Mashoko anoteverera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana nenyika dzemuAfrica. America iri kusimbaradza kudyidzana nenyika dzemuAfrica panyaya yekutumira humhizha hwepamusoro soro kumwedzi pachishandiswa zvitundumuseresere.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemakungwa, mamiriro ekunze nehumhizha mukufambiswa kwemashoko muAmerica Amai Monica Medina vanoti kudyidzana uku kwakakosha zvikuru munyaya debudiriro. Amai Medina vakachingamidza Nigeria neRwanda senyika dzekutanga muAfrica kunyorerana chibvumirano ichi chinonzi Artemis Accords.
Vanoti nyika makumi maviri nenhatu dzaisa runyoro rwadzo pachibvumirano ichi. Uyu vati munongedzo wenyika dzakasiyana dzine chido chimwe chete chekusimudzira humhetura munyaya dzehumhizha munyaya dzekuenda kumwedzi.
America inoti zvibvumirano izvi zvinoenderanawo nedonzvo rayo rekushanda nekambani yeNASA Artemis Programme kuona kuti yatumira mudzimai wekutanga uye mutema wekutanga kumwedzi nechitundumuseresere.
Kuburikidza nechirongwa cheArtemis, America inoti iri kuda kuumba mubatanidzwa wenyika dzakasiyana siyana usati waonekwa munhoroondo yenyika dzepasi rino. Amai Medina vanoti masatellites ari panyika achiona zviri kuitika kumwedzi akakosha zvikuru mubudiriro yenyika dzepasi rino.
Semuenzaniso, Amai Medina vanoti humhizha uhu honobatsira kunzwisisa nezvenzvimbo dzinogona kuparadzwa nemoto uye kuruka mazana ekuti izvi zvingadzivirirwe sei zvichibatsira kuti vanhu vasa rasikirwe nehupenyu kana nehupfumi.
Vanoenderera mberi vachiti mwedzi wapera, Uganda neZimbabwe dzakatumira masatellites kumwedzi anenge achitarisa nyaya yekuchena kana kusvibiswa kwemvura, kushandiswa kweminda uye mamiriro evhu.
Vanoti America ichaenderera mberi nekushanda nedzimwe nyika dzemuAfrica pazvirongwa zvakadai zvekuona mamiriro akaita pasi rino pachishandiswa humhizha hwechizvinozvino.
America inoti iri kufara nerutsigiro rwairi kupihwa nechikwata chenyika dzemuAfrica dziri muUnited Nation's kana kuti African Group dzakanyorerana chibvumirano chekusatumira zvombo zvehondo zvemchadenga zvinokangaisa mamiriro ekunze.
America ndiyo yakaunza chisungo ichi kudare reUnited Nations. Amai Medina vanoti America yakazvipira kusimudzira humhizha hwekuziva mamiriro ekunze zvichiitwa murunyararo.
Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudzidzana nenyika dzemuAfrica.
Facebook Forum