Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neLibya.


VaRobert Woood
VaRobert Woood

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muLibya nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye mhirizhonga.

Mumwe mukuru muhofisi yemumiriri weAmerica kuUnited Nations kana kuti Alternate Representative for Special Political Affairs VaRobert Wood vanoti vanotambira matanho ave kutorwa neLibya kuyedza kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nenhaurirano dziri kukokerwa neUnited Nations kuEgypt.

VaWood vanoti ino yave nguva yekushanda nemapato ose ezvem,atongerwo enyika kuona kuti nhaurirano dzabudirira kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika iyi.

Vaendererawo mberi vachiti kuunza mapato ose pamwe chete kuti azvipire pachibvumirano chekuti sarudzo dzinonoke kuitwa pachigadziriswa zviri kunetsa. Vanotiwo America ichaenderera mberi ichitsigira nhaurirano idzi nebasa riri kuitwa nekomisheni inonzi High National Elections Commission.

VaWood vanotiwo matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika anofanira kuitwa panguva imwe chete nekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekugadzikana kwenyika.

Vatiwo zvakakosha kuti matambudziko akatarisana nebhanga guru renyika kuitira kuti pajekeswe nyaya yemafambisirwo emari dzenyika uye kudzivirira nyaya dzehuwori. Ambassador Wood vati mauto ose ekunze kweLibya kusanganisira vechikwata chekuRussia cheWagner Group vanofanira kubuda munyika iyi.

Asi vatiwo vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kuda kutiza muLibya vachienda kunopotera kune dzimwe nyika vamwe vachiguma vanyura munyanza yeMediterranean. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nevanhu vekunze vari mumajeri emuLibya vari kubatwa senhapwa. VaWoods vati America inokoshesa kodzero dzevabvakure vari muLibya.

Vati vanotsigira mabasa ari kuitwa nekomisheni inoona nezvekodzerp dzevanhu iri kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuridzira Libya kuti ishande nayo zvakanaka.

Vati zvakakosha kuti vanhu vemuLibya vasarudzo hurumende yavanoda vachisimbaradza kuti America ichamira nawo kuona kuti izvi zvazadzikiswa.

Mashoko aya anotaura pamire America pakudyidzana neLibya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG